Accessibility links

Breaking News

Madzimai emuZimbabwe Anorangarira Mabasa aAmai Winnie Mandela


Mushakabvu Amai Winnie Madikizela Mandela vakarangarirwa nemadzimai emuZimbabwe
Mushakabvu Amai Winnie Madikizela Mandela vakarangarirwa nemadzimai emuZimbabwe

Madzimai akawanda emuZimbabwe akaungana muHarare nezuro achipemberera pamwe nekurangarira hupenyu hwamushakabvu Amai Winnie Mandela, pamwe nemabasa avakaita nekushinga kwavaiva vakaita panguva yehondo yakaunza rusununguko kuvanhu vatema vekuSouth Africa.

Madzimai ose akataura pagungano iri vakarumbidza mushakabvu Amai Mandela, vachiti vaiva mucherechedzo werusununguko wenyika zhinji dzemuAfrica nekuti vaiva vakashinga nenzira yakayemurwa nemadzimai epasi rose.

Mumwe wemadzimai aya, Amai Christine Chima, vakataura kuti Amai Mandela ndivo vakaita kuti nyika yeSouth Africa izivikanwe nenyika dzose apo vairwisa vachena kuti vasunungure murume wavo, VaNelson Mandela, kuti vabude mutirongo mavakange vakatongerwa kugara kwemakore akawanda.

Amai Chima vakaendera mberi vachiti nyaya inonyanya kuvarwadza ndeyekuti murume waAmai Mandela akaramba kuti vagare pamusha pavakange vakaroorwa.

Mumwe mudzimai anorwira kodzero dzemadzimai, Amai Edna Masiiwa, vakatsinhira mashoko aAmai Chima vachiti Amai Mandela vakapomerwa nyaya yekuti havana kuvimbika apo murume wavo aiva ari mujeri.

Vakaendera mberi vachiti dai aiva murume akaita saizvozvo, pangadai pasina zvaakamboitwa.

Imwe nhengo yeParamende yeZimbabwe, Amai Monica Mutsvangwa, vakarumbidza Amai Mandela vachiti raiva gamba rakashingisa vanasikana kuti vaende kuhondo yakasungura Zimbabwe.

Amai Lucia Matibenga vakataurawo kuti havakanganwe zvavakaitwa naAmai Mandela pavakatanga kusangana pamusangano wakaitirwa kuJohannesburg mushure mekunge varohwa zvakaipisisa nenyaya dzezvematongerwo enyika.

Mhembero yekurangarira Amai Mandela yakarongwa nenhengo yeParamende yeZimbabwe Amai Priscilla Misihairabwi pamwechete nesangano reWomen’s Coalition of Zimbabwe.

Amai Winnie Mandela, avo vakange vave nemakore makumi masere nerimwechete, vakashaya nomusi wa2 Kubvumbi vakazovigwa mushure mevhiki mbiri.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:46 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG