Accessibility links

Breaking News

Sangano reVakarwa Hondo Rorwisa Kumisa Musangano weKushara Hutungamiri Hutsva


Mutauriri wesangano reZimbabwe Liberation War Veterans Association, VaDouglas Mahiya
Mutauriri wesangano reZimbabwe Liberation War Veterans Association, VaDouglas Mahiya

Sangano reZimbabwe National Liberation War Veterans Association rinotungamirwa naVaChris Mutsvangwa neMuvhuro rakandesa gurukota revakarwa muhondo yerusununguko, VaTshinga Dube, kudare repamusoro richida kuti vamiswe kuenderera mberi nekusarudza humwe hutungamiri hwevarwi verusunguko.

Vamwe vakaendeswa kudare munyori mubazi revakarwa hondo yerusununguko, VaWalter Tapfumaneyi, pamwe negurukota rezvekudzivirirwa kwenyika, VaSydney Sekeramayi.

Izvi zvinotevera kurudziro yakaitwa nevamwe muZanu PF yekuti pasarudzwe hutungamiri hutsva hwesangano iri hunodyidzana nebato iri, sezvo hutunganiri hwaVaMutsvangwa nevamwe vavo hwakadzingwa kuzanu pf.

Mutauriri wesangano iri, VaDouglas Mahiya, vanoti vatatu ava vari kushandiswa nevamwe vanhu vari muZanu PF kuti vavabvise pazvigaro paumbwe sangano rinoita zvido zvechikwata chiri muZanu PF che G40.

VaMahiya vanoti VaDube, VaTapfumaneyi naVaSekeramayi vari kutumwa nemudzimai wemutungamiri wenyika uye vari mukuru weboka remadzimai muZanu PF, Amai Grace Mugabe, pamwe nemukuru wevechidiki muZanu PF, VaKudzai Chipanga, kuti vaparadze komiti yavo.

VaTapfumaneyi vanonzi vaita musangano nevamwe vakarwa hondo kumahofisi ebazi ravo.

Musangano uyu unonzi wanga uri wekurovana masoro pamberi pemusangano wekuzosarudza hutungamiri hutsva.

VaTapfumaneyi vakabuda mune mamwe mapepanhau vachitaura kuti bazi ravo richaenderera mberi nekusarudza humwe hutungamiri hwesangano revakarwa hondo ava, zvisineyi nekupikisa kuri kuita VaMutsvangwa nechikwata chavo.

Izvi zvose zvinoitika kunyange hazvo paine mutongo wedare repamusoro unoti komiti yaVaMutsvagwa ndiyo ine mvumo yekutungamira sangano iri kusvika paitwa imwe kongiresi.

Kongiresi yevakarwa hondo ava iri kutarisirwa kuitwa muna 2019, apo panozosarudzwa hutungamiri hutsva.

Studio 7 haina kukwanisa kunzwa kubva kuna VaTapfumaneyi kuti zvii zvasungwa mumusangano wavaita uyu.

Hurukuro naVaDouglas Mahiya
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:16 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG