Accessibility links

Breaking News

Vakarwa Hondo Votsamwiswa neKusasiya Basa kwaVaMugabe


Munyori mukuru wesangano revakarwa hondo, VaVictor Matemadanda nasachigaro wesangano iri VaChris Mutsvangwa.
Munyori mukuru wesangano revakarwa hondo, VaVictor Matemadanda nasachigaro wesangano iri VaChris Mutsvangwa.

Vaimbove varwi verusununguko vanoti vakakatyamadzwa pamwechete nekugumbutswa nekusasiya basa kwemutungamiri wenyika mushure mekutaura kwaVaMugabe pachivhitivhiti chehurumende vachiti vachagadzirisa matambudziko akatarisana nebato ravo kumusangano weCongress.

Varwi verusununguko vadaidzira kuruzhinji rweZimbabwe kuti neChipiri kuitwe kumwe kuratidzira uye pakuratidzira uku vanhu vanenge vasingadzokeri kudzimba.

Vachitaura pamusangano wavaita nevatori venhau nhasi mangwanani, sachigaro wevaive varwi verusununguko VaChristopher Mutsvangwa vati VaMugabe vanofanirwa kuenda chero zvodii. VaMutsvangwa vati boka ravo rakasvotwa zvikuru pamwe nekushungurudzika nekusasiya basa kwaVaMugabe izvo zvaitarisirwa neruzhinji, asi vati mhedzisiro VaMugabe vachaenda chete.

VaMutsvangwa vati nekubudirira kwakaita kuratidzira kwakaitwa neMugovera neruzhinji rweZimbabwe, varongazve kumwe kuratidzira mangwana Chipiri vakati vanhu vanofanirwa kugara pedyo nekumba kwaVaMugabe kusvikira vasiya chigaro.

Vaimbove varwi verusununguko ava vashoropodzawo mashoko emunyori anoona nezvemitemo muZanu PF, VaPatrick Chinamasa nedzimwe nhengo dzeZanu PF dzakati mushure menyonganyonga iri munyika, bato reZanu PF richaita hurumende itsva inenge ichingova yeZanu PF chete vaisa VaEmmerson Mnangagwa pachigaro.

Mutauriri wesangano revakarwira rusununguko, Va Douglas Mahiya,vati havazotevedzeri vanhu vanoda kudzosera nyika kumashure, vakakurudzira veruzhinji kuti hondo yekubviswa kwaVaMugabe ihondo yezvizvarwa zvese zvemunyika.

Vaive varwi verusununguko ava vanyorera kudare repamusoro reHigh Court zvakare kuti dare iri riburitse pachena kuti zvakaitwa nemauto neChipiri hazvityori bumbiro remutemo. Vaive varwi verusununguko ava vatiwo sezvo VaMugabe vakabvuma vega kuti vakatadza kuita basa nemazvo nezuro vanofanirwa kusiya chigaro.

Vachitaura pachivhivhiti chehurumurumende, VaMugabe vakabvuma kuti nyika yaenda kumawere asi pachinzvimbo chekusiya basa vakati vachagadzirisa mhosho dzavo.

Nyaya ina Patricia Mudadigwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG