Accessibility links

Vakarwa Hondo Vokurudzira Veruzhinji Kuvhotera Mutungamiri Wavanoda

  • Jonga Kandemiiri

Mutauriri weZimbabwe National Liberation War Veterans Association VaDouglas Mahiya

Vakarwa hondo yerusununguko vari pasi pesangano reZimbabwe Liberation War veterans Association, ZLWVA, vasangana muHarare pavazeya mamiriro akaita zvinhu munyaya dzezveupfumi pamwe nezvematongerwo enyika, uyewo kushoropodza huwori, chizivano, uyewo nekwavanoti kuzvarwa kwehutongo hwemhuri imwechete munyika.

Mutauriri wesangano iri, VaDouglas Mahiya, vanoti nekuda kwekuona kuti zvavakarwira muhondo yerusununguko hazvisi izvo zviri kutungamidzwa mberi nevari mumasimba ekutonga, sangano ravo rasungawo kuti richadzidzisa vanhu pamusoro pekodzero dzavo dzekuvhotera mutungamiri wavanoda.

Vanoti vanhu vanofanirwa kusununguka kusarudza mutungamiri anoendesa zvido zvavo mberi, zvisineyi kuti ndewebato ripi.

VaMahiya vanotiwo vakarwa hondo yerusunguko, avo vanopomerwa mhosva yekushandiswa nebato reZanu PF, zvikuru musarudzo, havachisina divi ravanorerekera munyaya dzezvematongerwo enyika, vachiti vanotsigira vanhu vanenge vasarudzwa nevanhu.

Musangano uyu wapindwawo nemutungamiri weZAPU, VaDumiso Dabengwa, avo vanonzi vakokwa semukuru wevarwi verusununguko, kwete nekuti vanotungamira bato rezvematongerwo enyika.

Vamwe vapindawo mumusangano uyu ndi Brigadier Agrippa Mutambara, avo vakambenge vari kubato reZimbabwe People First.

VaMahiya vanoti nhengo dzavo dzichatenderera nenyika yose dzichidzidzisa veruzhinji pamusoro penyaya yekuti vavhote vakasununguka.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG