Accessibility links

Breaking News

Vakarwa Hondo Vonyunyuta neKusabhadhara kweHurumende Mari dzeVana veZvikoro


Hutungamiri hwesangano revakarwa hondo yerusununguko

Vaimbove varwiri vehondo yerusununguko vanoti hurumende itsva yemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, iri kutadza kubhadharira vana vavo mari dzechikoro sezvaiitwa nehurumende yevaimbove mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe.

Varwiri vehondo ava vanoti hapana chashanduka panyaya dzekubhadharirwa mari dzechikoro dzevana vavo.

Mumwe wevaimbove varwiri verusununguko, VaJamelo Kandawasvika, vanoti havarumbidze hurumende iripo sezvo iri kutadza kubhadharira vana vavo mari yechikoro sezvaiitwa nehurumende yaVaMugabe.

VaKandawasvika vanoti hurumende inofanirwa kubhadhara mari dzechikoro sezvakatarwa nebumbiro remutemo.

VaKandawasvika vanoti vashoma vavo ndivo vari kupihwa mari nekuda kwehuori kana zvechioko muhomwe.

Mumwe wevakarwa hondo, VaNyikadzino Mudariko, vanoti vakanzi painge pasina mari inokwanirana nehuwandu hwevanhu vaida mari dzechikoro.

VaMudariki vanoti vakavimbiswa kuti vana vavo havadzingwe kuchikoro nekuda kwekuti havana kubhadharirwa mari yechikoro.

Mutauriri wesangano guru revaimbove varwiri verusununguko, VaDouglas Mahiya, vabvuma kuti hapana chati chashanduka panyaya dzinonetsa nhengo dzavo kusanganisira kubhadharirwa mari dzezvikoro dzevana vavo.

VaMahiya, avo vati vana vavo havasati vabhadharirwawo mari yechikoro, vatiwo chinoshamisa ndechekuti hurumende inoda kumanikidzwa kuita basa rainofanirwa kuita nguva dzose.

VaMahiya vati sezvo kubhadharirwa kwemari dzechikoro uri mutemo hurumende inofanirwa kuita basa rayo nemazvo kwete kumirira kuti vanhu vavayeuchidze kuita basa ravo nguva dzose.

Pasi pemutemo hurumende inofanirwa kubhadhara mari yose yechikoro kana mwana achidzidza dzidzo yepasi, kana yepamusoro, pachikoro chehurumende.

Hurumende inozobhadharawo mari isingadarike madhora mazana manomwe kana mwana ave kudzidza zvidzidzo zvepamusoro soro.

Mwana anodzidza kunze kwenyika anopihwa madhora zviuru zvina pagore.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG