Accessibility links

Breaking News

Vanotengesera Mumigwagwa Voronga Kuendesa Kanzuru yeHarare kuMatare


Vashandi vekanzuru yeHarare vachisunga vamwe vevanotengesera mumigwagwa yeHarare
Vashandi vekanzuru yeHarare vachisunga vamwe vevanotengesera mumigwagwa yeHarare

Sangano rinomirira vanotengesera mumigwagwa, reVendors Initiative for Social and Economic Transformation, VISET, rinoti riri kuronga kuendesa kanzuru yeguta reHarare kumatare edzimhosva nenyaya yekuparadza kwarinoti iri kuita zvinhu zvenhengo dzaro.

Mukuru wesangano iri, VaSamuel Wadzayi, vanoti pari zvino magweta avo ari mushishi kugadzira magwaro ekuti vaende nawo kumatare.

VaWadzayi vanoti svondo rapera vashandi vekanzuru vakaparadza zvinhu zvenhengo dzavo panzvimbo yemabhizimusi yeBudiriro 5, izvo zvakaita kuti nhengo dzavo dzirasikirwe nezvinhu zvaikosha mari yakawanda kwazvo zvadzaifanirwa kutengesa kuti dziwane cheuviri.

VaWadzayi vanoti kanzuru ichiri kuenderera mberi nekukanganisa mashandiro enhengo dzavo dzinotengesera munzvimbo dzakasiyasiyana dzeguta reHarare.

Asi mutauriri wekanzuru VaMichael Chideme vakaramba mashoko ekuti kanzuru yavo iri kurapadza midziyo yevanhu vanotengesera mumigwagwa, vachiti chavari kuita chete kuchenesa guta.

VaChideme vakaudza Studio 7 kuti kanzuru yavo yagara ichi kurudzira vanotengesa zvinhu ava kuti vaende kunotengesera munzvimbo dzakatarwa zviri pamutemo, asi vanosarudza kutengesera pamberi pezvitoro zviri kubhadhara mitero.

Asi VaWadzayi vanoramba mashoko aya vachiti kanzuru ndiyo ine dambudziko sezvo iri kuisa misika kure nevanotenga.

VaWadzayi vanoti midziyo yenhengo dzavo yakaparadzwa inokosha mari inodarika zana rezviuru zvemadhora.

Hurukuro naVaSamuel Wadzayi
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG