Accessibility links

Breaking News

VaJames Comey Vanopa Humbowo Pamusoro peKudyidzana Kwavo naVaTrump


VaDonald Trump naVaJames Comey
VaDonald Trump naVaJames Comey

Vaive mukuru weboka rematikitivha muAmerica, reFederal Bureau of Investigations, FBI, VaJames Comey, vamira pamberi pekomiti yedare reseneti inoona nezvekusora muAmerica vachipa humbowo pamusoro pekufambidzana pamwe nekudyidzana kwavo nevaimirira bato reRepublican musarudzo, avo vave mutungamiri wenyika, VaDonald Trump.

Dare iri rabatabatawo kuferefetwa kwenyaya iri kupomerwa Russia yekuti yakapindira mumafambisirwo esarudzo dzemuAmerica dzakaitwa gore rapera.

VaComey vataurawo pamusoro pekurudziro yavanoti yakabva kunaVaTrump yekuti varase kuferefetwa kwevaive chipangamazano chavo, VaMichael Flynn.

Panyaya yeRussia VaComey vati ivo vanofunga kuti Russia yakapindira musarudzo dzemuAmerica.

VaComey vapindura mibvunzo yanga ichinaya kubva kunhengo dzekomiti iyi, vachiti chikuru chavakaona kubva mukusangana kwavo naVaTrump ndechekuti VaTrump vaida kuti FBI imire kuferefetwa kwenyaya yeRussia.

VaComey, avo vainyora pasi zvavanenge vakurukura naVaTrump mumisangano yavaiita, vaudza komiti iyi kuti vaitora danho iri senzira yekuchengetedza kutendeseka kwekuferefetwa kwenyaya iyi.

Vachipindura kana yaive tsika yavo yekunyora pasi zvavanenge vakurukura nevatungamiri venyika, VaComey, avo vakambosanganawo naVaGeorge Bush pamwe naVaBarack Obama munguva dzavaive vatungamiri venyika, vati aka kaive kekutanga kuita izvi sezvo vakaona zvakakodzera kuti vanyore pasi zvavaikurukura naVaTrump.

Vatiwo havana ruzivo rwekuti sei vakamiswa basa, asi vakati vanofunga kuti zvine chekuita nenyaya yeRussia.

VaComey vati vakaudzwa kakawanda naVaTrump kuti vainge vataura nevanhu vakawanda, kusanganisira gweta guru renyika, uye vakanga vaudzwa kuti vaiita basa ravo nemazvo.

Vati saka zvakavadzungaidza apo vakaona paterevhizheni VaTrump vachiti vakanga vavadzinga basa nepamusana pekuti vaiferefeta vanhu veku Russia, uye kunzwa kuti VaTrump vaiudza vamwe vanhu muchivande, kuti kudzingwa kwavo kwainge kwanyevenutsa zvakawanda pahurongwa hwekuferefetwa kweRussia.

VaComey vatiwo hurumende yaVaTrump yakasarudza kuvashora nekuvazvidza, zvikuru boka reFBI, ichiti boka iri harichina kugadzikana, uye vashandi havachina chivimbo nemukuru wavo.

Vati aya manyepo, vachiti vane hurombo kuti FBI yakanzwa mashoko emanyepo uyewo kuti vanhu vemu America vakanzwa manyepo.

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika vachidzidzisa paGettysburg College muPennyslvania, Doctor Chipo Dendere, vanoti chiitiko chekuti vaive mukuru wematikitivha anomiswa pamberi pekomiti yeparamende chiratidzo chekuti hutongi hwegutsaruzhinji hunoteverwa muAmerica.

Doctor Dendere vanoti zvakakosha zvikuru kuti hurumende yeZimbabwe iteverewo hurongwa hwakadai, vanhu vanenge vari mumabasa epamusoro vachi bvumidzwa kupa humbowo, uye veruzhinji vachipiwa mukana wekuziva zvinenge zvakatora nzvimbo.

Asi vanoti nenyaya dzekutonga nedemo, zvakaoma kuti hurumende dzakawanda dzepasi rino dzitevere hurongwa hwakadai.

Hurukuro naDoctor Chipo Dendere
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:10 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG