Accessibility links

Breaking News

America Yorwisa Syria neMuchadenga


US
US

Hurumende yeAmerica yakarwisa neChina manheru imwe kamba yendege dzehondo dzeSyria, senzira yekutsividza kuurayiwa kunonzi kwakaitwa vanhu vanodarika zana nemuchetura wakashandiswa nemauto eSyria kuvanhu vayo kutanga kwesvondo rino.

Kurwisa uku kunonzi kwakabvumidzwa nemutungamiri weAmerica, VaDonald Trump, avo vakati nyika yavo yatora danho iri senzira yekudzivirira kupararira kwekushandiswa kwezvombo zvemuchetura.

Danho iri rinopikisa gwara raitungamidzwa naVaTrump munguva yekutsvaga rutsigiro, apo vaiti America haifanirwe kupindira muhondo dzedzimwe nyika.

Asi imwe nyanzvi mune zvematongerwo enyika ichishanda yakazvimirira, VaCharles Mutasa, vanoti danho rakatorwa na VaTrump idanho rehurumende yeAmerica ravave kutevera, kwete ravo voga.

VaMutasa vanotiwo vanhu vanofanirwa kunzwisisa kuti VaTrump munhu akaita sei, sezvo vachishanduka nemamiriro anenge akaita zvinhu panguva iyoyo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG