Accessibility links

Zvizvarwa zveZimbabwe Zvoronga Kuratidzira Pamberi peMusangano weUNGA

  • Jonga Kandemiiri

Mutungamiri wenyika vaRobert Mugabe vari kutarisirwa kutaura kumusangano weUNGA

Zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika zviri kuronga kunoratidzira kuNew York, panguva ichaitwa musangano weUnited Nations General Assembly, UNGA, wechimakumi manomwe nembiri, uyo mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vari kutarisirwa kupinda svondo rinouya.

Mumwe wevari kutungamira hurongwa uhwu, Muzvare Savanna Madamombe vanoti vane zvakawanda zvavari kunyunyuta nazvo zvinosanganisira kurambidzwa kuvhota kwevari kunze kwenyika uye kuti hurumende haisi kuzvipa mukana wekutaura nhuna dzavo.

Muzvare Madamombe vanoti zvimwe zviri kuvashungurudza kushandiswa kwemari kwavanoti kusina kutsarukana munzendo dzaVaMugabe, avo vanonzi vari kutarisirwa kusimuka nechikwata chevanhu vanodarika makumi manomwe.

Zvinonzi mumwe nemumwe wevanhu ava, avo vanonzi vanosanganisira mhuri yavo, anonzi achange achipiwa mari inoita chiuru nemazana mashanu emadhora semari yekushandisa pazuva.

Gore roga roga zvizvarwa zveZimbabwe zvinoungana muNew York zvichiratidzira panoitwa musangano uyu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG