Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Vokurudzira VaMugabe Kusiya Masimba


Mutungamiri weMDC VaMorgan Tsvangirai
Mutungamiri weMDC VaMorgan Tsvangirai

Mutungamiri webato rinopikisa, reMDC, VaMorgan Tsvangirai, vaburitsa mashoko ekuti mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vanofanirwa kusiya chigaro nechimbichimbi sezviri kutarisirwa neruzhinji, pachitariswawo zvavakaitira nyika isati yawana kuzvitonga pamwe nekunge yawana kuzvitonga.

VaTsvangirai vati panofanirwa kuvepo kwehurumende inofanobata matomu, vachiti izvi zvinofanirwa kuwiriranwa nemapoka ose ane chekuita munyika.

Izvi zvabuda mumusangano webato ravo weStanding Committee waitwa muHarare, uyo wavati wasungawo kuti panofanirwa kuve nehurumende inofanobata matomu inobatanidza mapoka ose.

VaTsvangiari vati zvakakoshawo kuti nyika idzokere kuhutongi hwejekerere kuburikidza nesarudzo dzakasununguka uye dzakachena dzichiongororwa nemasangano akazvimirira anobva kunze.

Vati matambudziko emunyika anogadziriswa chete nevana veZimbabwe vachibatsirwa nevekunze.

VaTsvangirai vatiwo danho rakatorwa nevarwi verusungunguko pamwe nemunhu wese akabatsira mukusungura nyika rinotendwa zvikuru.

Vati vanotendawo kuti mauto akavimbisa kuzvipira kwavo kuti munyika muve nerunyararo, kukosha kwehupenyu kusanganoisirawo kuremekedza kodzero dzezvizvarwa zvezimbabwe.

Vati vanozivawo kushushikana kwenyika dzekunze nemasangano anoti re SADC, neAfrican Union, United Nations, neEuropean Union pamusoro pezviri kuitika muZimbabwe.

VaTsvangirai vatiwo masangano iwaya pamwe nevekunze ndivo vakakodzera kuti vaumbe hwaro hwesarudzo dzakasununguka, uye dzachena.

VaTsvangirai vati nekuda kwezvose izvozvo, vasunga sebato kuti patsvagwe nzira dzekuti pave nevanofanobata matomu, uyewo kuti VaMugabe vanofanirwa kusiya chigaro nekukasika, sezvakatarisirwa nevana veZimbabwe, pogadzirwa hwaro hwekuti masimba ochinjanwa sei.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG