Accessibility links

Breaking News

Mutungamiri weAmerica, VaTrump, Vosimbirira Nerekuda Kudzinga Muchuchisi Mukuru Basa


VaRobert Mueller
VaRobert Mueller

Mutungamiri weAmerica, VaDonald Trump vanonzi havasi kuda kusiyana nepfungwa yavo yekudzinga basa muchuchisi mukuru ari kuferefeta kupindira kweRussia musarudzo dzemuAmerica, Va Robert Mueller.

Nyaya iyi yave negore ichiferefetwa, uye zviri kubuda zvishoma zvinonzi hazvinyatsofadza VaTrump.

Dzimwe nyanzvi mune zvematongero enyika dzinoti zviri kuitwa kuna VaTrump ndizvo zvinofanira kuitwa kuvatungamiri venyika pasi rose kana vasingaiti zvinhu nemutemo.

Imwe yenyanzvi idzi uye vachidzidzisa paHuddersfield College kuUnited Kingdom, Doctor Nkululeko Sibanda, vanoti zvinofadza kuti apo South Africa iri mubishi rekutongesa vaimbove mutungamiri wenyika, VaJacob Zuma nenyaya dzehuwori, komiti yeparamende yeZimbabwe inoona nezvezvicherwa, iri kushevedzawo vaimbove mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, kuti vazopindura mibvunzo pamusoro pemari inosvika mabhirioni gumi nemashanu emadhora inonzi yakabva mukutengeswa kwemangoda yavakati yakatsakatika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:21 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG