Accessibility links

Breaking News

Transform Zimbabwe Yoronga Kukwirira Hurumende kuSADC


Mutungamiri weTransform Zimbabwe, VaJacob Ngarivhume
Mutungamiri weTransform Zimbabwe, VaJacob Ngarivhume

Mutungamiri webato reTransform Zimbabwe, VaJacob Ngarivhume, vanoti bato ravo riri kuronga kukwirira hurumende yeZanu PF kusangano reSADC zvichitevera kutora kwayakaita kubva kuUNDP hurongwa hwekutengwa kwemichina yeBiometric Voter Registration, iyo ichashandiswa mukunyoreswa kwevanhu musarudzo dza 2018.

VaNgarivhume vanoti serimwe remapato anopikisa vanofunga kuti Zanu PF ine chitsotsi chairi kuda kuita nekutora kwayo hurongwa uhwu.

"Bato redu harisi kuwirirana zvachose nezviri kuronge hurumende. Yakatendeuka mushure mekunge tawirirana sema stakeholders pa process yekuti ma kits awanikwe. Saka seTransform Zimbabwe tiri kuona kuti ndopatotangira chitsotsi chekubiridzira sarudzo ya 2018," VaNgarivhume vanodaro.

Vanoti bato ravo riri mushishi kuunganidza masiginecha evanhu kuti vagozosvitsa gwaro ravo renyunyuto kuSADC.

"Tine ma strategy akasiyanasiyana etaronga kuti tirwisane navo. Yekutanga ndeyekuti tiri kubatana nemamwe mapato anopikisa kuti tiite demonstration kana kuratidzira muna March muno."

Vanotiwo kunyange hazvo Zimbabwe Electoral Commission, ZEC, isati yave nemichina yekuvhotesa iyi, ivo sebato vakatotanga kupa vanhu dzidziso pamusoro penzira itsva yekuvhota iyi, kuitira kuti panozotanga ZEC kuita basa rayo, veruzhinji vanenge vaine ruzivo nechakare.

ZEC yakazvisawo kuti kambani ichawanisa nyika michina yekuvhotesa iyi ichazivikanwa musi wa 20 mwedzi uno.

Hurukuro naVaJacob Ngarivhume
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG