Accessibility links

Zanu PF Yomanikidza Varairidzi Kubhadhara Mari yeKongiresi?

  • Jonga Kandemiiri

Muzinda webato reZanu PF muHarare

Mamwe masangano evarairidzi anoti vatsigiri veZanu-PF vave kumanikidza nhengo dzavo kubhadhara mari yemusangano wekongiresi yechimbi chimbi yebato iri ichaitwa muHarare muna Zvita.

Mutungamiri wesangano reProgressive Teachers’ Union of Zimbabwe, PTUZ, Doctor Takavafira Zhou, vanoti sangano ravo riri kutambira zvinyunyuto zvakawanda kubva mumatunhu ose enyika, zvikuru kumaruwa pamusoro penyaya iyi.

Rimwe sangano revarairidzi, reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe rinotiwo nhengo dzaro, zvikuru kuMudzi mudunhu reMashonaland East, dziri kumanikidzwa kubvisa mari iri pakati pemadhora maviri nemadhora mashanu ichinzi ndeye kubatsira kuitwa kwemusangano weZanu PF uyu.

Asi mutauriri weZanu PF, VaSimon Khaya-Moyo, vanonzi vakaramba kuti vari kupemha mari ava inhengo dzebato ravo, vakakurudzira vari kukumbirwa mari kuti vazivise bato ravo.

Bato iri rinonzi rinoda kuunganidza mari inoita mamiriyoni masere emadhora kuitira kuti rikwanise kuita musangano wechimbichimbi uyu, uyo unotarisirwa kuitwa kubva musi wa 12 kusvika musi wa 17 Zvita gore rino.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG