Masangano anomirira vana veZimbabwe vari muSouth Africa akaisa chikumbiro chekuti hurumende yenyika iyi iwedzere hupenyu hwemagwaro eZimbabwe Special Permits.
Magwaro aya ari kutarisirwa kupera kushanda musi wa 31 Zvita gore rino.
Vamiriri vemasangano aya vakasangana negurukota rezvemukati meSouth Africa, VaMalusi Gigaba, svondo rapera vachizeya nyaya iyi.
Asi VaGigaba vanonzi vakati vanoda nguva yekuti vambofunga nezvechikumbiro ichi.
Vanonzi vakatiwo vachatarisa zvose zvinokodzera kuongororwa mukugadzirisa kwavachaita nyaya iyi.
Kuswedera kwemazuva ekupera kushanda kwemagwaro aya kunonzi kwave kupa kuti zvizvarwa zveZimbabwe zvingangosvika mazana maviri ezviuru zvakawana magwaro aya zvitadze kugadzikana, sezvo pasina anoziva zvinozoitika kana Zvita adarika.
Asi VaGigaba vakakurudzirawo vana veZimbabwe vari munyika iyi kuti vagadzirise hugaro hwavo kuburikidza nekutevera dzimwe nzira dzinokwanisa kuita kuti vawane magwaro kuitira kuti vasazodzingwa munyika iyi.
Mukuru wesangano reInternational Cross-Border Traders Association, Vadenis Juru, vanoti nyaya iyi inoda kugadziriswa pachine nguva kuitira kuti vanhu vagare vakagadzikana.