Accessibility links

Breaking News

Kuonekwa kweMauto mumaMisha Munguva dzeSarudzo Kwotyisa Vagari vekwaZvimba


Masoja anonzi ari kuonekwa mumamisha ekuMashonaland West otyisa vanhu.
Masoja anonzi ari kuonekwa mumamisha ekuMashonaland West otyisa vanhu.

Vagari vekwaZvimba vanoti havasi kufara nemasoja ari kungombeya mavanogara nenzvimbo dzekutandarira.

Masoja aya anonzi akatanga kuonekwa mwedzi wapera, uye anenge akapfeka nhumbi dzechiuto, achingofamba mumamisha nenzvimbo dzekutandarira dzepamataundishipi.

Zvinonzi hapana anoziva kwavanoenda kana nguva dzemanheru dzakwana asi zuva rinotevera vanenge vadzoka.

Mumwe mugari wekwaMadzima kwaZvimba anoda kuzivikanwa nezita rekuti Priveledge anoti masoja maviri akaiswa muwadhi mavo.

Priveledge anoti masoja aya haazivikanwe kwaanogara, uye anofunga kuti donzvo ravo nderekuti vadzivirire vagari kutsigira mamwe mapato anopikisa.

Masoja aya anonzi anoonekwawo kuMakonde, padyo nedhamu riri pedyo neShackleton.

Mugari wekuShackleton, VaKingstone Muza, vanoti masoja ari kuudza vagari kuti vatsigire hurongwa hutsva huri munyika.

Hatina kukwanisa kunzwa divi remasoja panyaya iyi, asi mutauriri wemauto, VaAlfios Makotore, vakamboudza vatori venhau kuti masoja ari kufamba-famba mumamisha, masoja akapanduka.

Mune imwewo nyaya, nhengo dzebato reZANU PF dzakaungana munzvimbo dzakasiyana dzichivandudza mapazi ebato epasi, kana kuti cells, nyika yose.

Misangano iyi inonzi yakapindwa nevanhu vashoma muChinhoyi nekwaZvimba.

Vakapinda misangano iyi vanoti vakanzi vanyore nhengo dzebato iri mazita idzo dzakanyoresa kuvhota uye kuti vavandudze masero avo kuti apindirane nenzvimbo dzekuvhotera, polling stations.

Zvinonzi bato reZanu PF riri kuda kuenzanisa huwandu hwenhengo dzaro dzakanyoresa kuvhota nezvakabuda pahuwandu hwevanhu vakanyoresa pachirongwa chekunyoresa chebazi reZimbabwe Electoral Commission, ZEC.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG