Accessibility links

Breaking News

Dare Rinombomisa Kudzingwa kweVanotengesera Mukati meGuta reHarare


Kanzuru iri kuda kuti vanotengesera mukati meguta vabviswe
Kanzuru iri kuda kuti vanotengesera mukati meguta vabviswe

Mutongi wedare repamusoro, Justice David Mangota, vaudza kanzuru yeguta reHarare pamwe nemapurisa eZimbabwe Republic Police, ZRP, kuti vasabvise vanhu vari kutengesera zvinhu mukati meguta reHarare kusvika nyaya yakakwidzwa kudare iri nesangano reVendors Initiative for Social and Economic Transformation, VISET, yanzwikwa.

Gweta riri kumirara sangano reVISET, Advocate Tonderai Bhatasara, vanoti izvi zvave kureva kuti kanzuru kana mapurisa havafanirwi kukanganisa mashandiro evanotengesera mumigwagwa ava kusvika nyaya yavo yanzwikwa mudare iri neChipiri svondo rinouya.

Advocate Bhatasara vanoti dare rapa mutongo uyu rakamirira mamwe mapepa anzi anofanirwa kuti asvitswe kudare iri.

"Zvazvinoreva ndezvekuti iye zvino izvi hapana munhu anofanirwa kuti abviswe. Zvinoreva kuti dare rinenge ratarisawo richiona ma rights evanhu richi compare nezvinonzi zviri kuda kuti zvi achivhiwe," Advocate Bhatasara vanodaro.

Sangano reVISET rakakwira kudare repamusoro iri zvichitevera danho rakanga ratorwa nekanzuru rekupa vanotengesera mumigwagwa mazuva maviri ekuti vabude mukati meguta senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere che typhoid, icho chakabata mimwe misha yeguta iri.

Asi vanotengesa zvinhu ava, zvikuru zvekudya zvakaita semichero, vari kuramba kuti vane chekuita nekupararira kwezvirwere vachipomera mhosva kuhurumende kuti ndiyo iri kukundikana kufambisa mabasa.

Hurukuro naAdvocate Tonderai Bhatasara
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG