Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau, Muvhuro Kukadzi 19, 2018


Misoro yeNhau
Misoro yeNhau

Veruzhinji nhasi vapiwa mukana wekuonekana nemutungamiri weMDC-T, VaMorgan Tsvangirai, apo mutumbi wavo wapfuudzwa nepamuzinda webato reMDC-T paHarvest House, muHarare, ukazoendeswa kuFreedom Square.

KuBulawayo, vanhu vakawanda vabva kunzvimbo dziri kure mumatunhu eMatabeleland vatakurwa nemabhazi kuenda kuBuhera mudunhu reManicaland, uko mutungamiri weMDC-T VaMorgan Tsvangirai vari kuzovigwa mangwana.

Mutumbi waVaTsvangirai unosvika kuBuhera uko waendeswa nechikopokopo chehurumende.

Imwe nyanzvi mune zvematongerwo enyika inoti haione paine chakaipa pakubatsira kwehurumende parufu rwaVaTsvangirai sezvo vakambove mutungamiri wehurumende pane imwe nguva, ichiti VaTsvangirai vaikodzera kuvigwa kumarinda emagamba enyika, eHeroes’ Acre.

Sangano reHeal Zimbabwe ronyunyuta nekwarinoti kusashambadzwa zvakakwana kwemisangano yeNational Peace and Reconciliation Commission, iyo yatanga nhasi munyika, asi isina kupindwa nevanhu vakawanda.

Veruzhinji vochemachema kuti dai hurumende yaita kuti chirwere chegomarara chirapwe pasina muripo, uye kuti kuzvipatara zvese kusanganisira zvekumaruwa kuiswe michina inoongorora magomarara akasiyana-siyana.

Munhau dzemitambo, chikwata cheHighlanders charova Chicken Inn nhasi masikati kuti chisangane neDynamos mufainari yeZimbabwe National Army Charity Shield.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm, tiri kutaura pamusoro pehurongwa hwekuradzikwa kwaVaTsvangirai, avo vari kutarisira kuradzikwa kumusha kwavo kuBuhera mangwana.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 6080, 15580 ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwe kuteerera zvimwe zvirongwa zvedu na 6am, uye 2pm mazuva ose.

Musakanganwe kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu. Endai pa link iyi: https://www.facebook.com/voa.shona/

Misoro yeNhau, Muvhuro, Kukadzi 19, 2018
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG