Hurumende yeBritain inoti ichawedzera mari yekubatsira Zimbabwe nemari yechikafu sezvo vanhu vanodarika mamiriyoni mana vanenge vakatarisana nenzara kubva munaNdira kusvika muna Kurume gore rinouya.
Vanhu munyika votaura maonero avo nezvesarudzo dzemutungamiri wenyika yeAmerica dziriko mangwana.
Nhengo dzeMDC-T dzosungwa mushure memhirizhinga yakaitika kuZvishavane nemusi weSvondo.
Sangano rekuAmerica reFree to Smile Foundation robatsira vana vakatsemuka muromo kuMpilo Central Hospital.
Murairidzi weNgezi Platinum VaTonderai Ndiraya vanoti chido chekuda kutamba mumakwikwi eAfrica chakapa kuti chikwata chavo chisimudze mukombe weChibuku Super Cup.
Muchirongwa chedu che LiveTalk na 8:00pm nhasi tiri kutarisa nezvesarudzo dzemuAmerica, idzo dziriko mangwana.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai whatsapp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.
Vanoda kuteerera Sstudio7, tibateyi na 7pm pamasaisai anoti 909 AM ne 4930 Kilohertz paShortwave.
Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu reVOA Shona nekudzvinya pakanzi LIKE.