Gavhuna weRBZ Dr. John Mangudya vanoti Zimbabwe haina hurongwa hwekudzora dhora remunyika kunyangwe iri kuronga kuparura mabond epepa anosvika kumadhora makumi maviri.
VaTsvangirai voshanyira dunhu reMidlands mangwana kunosangana nevatsigiri vavo nekuona nezvedambudziko rechikafu.
Madzimai matanhatu anenge akazvitakura ofa pazuva muZimbabwe asi Unicef inoti nyika inokwanisa kudzikisa huwandu uhu.
Muzvare Jestina Mukoko voparura bhuku ravo muHarare nhasi.
Muchirongwa cheWomens RoundTable na 8:30pm, tiri kutarisa mararamiro iota madzimai nehupfumi husina kumira zvakanaka uye kushomeka kwemari mumabhanga.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai whats app panhamba dzinoti + 1 202 465 0318.
Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na 7pm pamasaisai anoti 909 AM ne 4930 Kilohertz pa ShortWave.