Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau, Chipiri Kurume 01, 2016


Shona

Vakafanobata chigaro chemutungamiri weZimbabwe People First, Amai Joice Mujuru, vanoti nhaurirano dzemapato anopikisa dzekuti aite mushandira pamwe mukubvisa Zanu PF panyanga hadzisati dzatanga kunyange hazvo bato ravo rakazvipira kushanda nemamwe mapato…..

Bato reMDC-T rokurudzira hurumende kuti iremekedze bumbiro remitemo yenyika munyaya dzekutongwa kwematunhu…

Zimbabwe National Chamber of Commerce inoti zvinhu hazvina kumira zvakanaka munyaya dzehupfumi izvo zviri kuita kuti mabhanga aomesere vanokwereta mari kumabhanga aya….

Muchirongwa chevechidiki, che The Connection, tiri kutarisa dambudziko revechidiki rekushaya mabasa munyika.

Kana muchida kutumira mashoko kuStudio7, shandisai whats up number dzinoti + 1 202 465 0318

Iyi ndiyo misoro yenhau dzedu dzanhasi...munotibata pa 909 am, 4930, kana pa 12080, ne 15460 Kilohertzs pa Shortwave kana paFacebook page yedu yeVOA Shona.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:41 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG