Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau, Chipiri Zvita 27, 2016


Misoro yeNhau
Misoro yeNhau

Mumwe mwana anofa kuMbare achifungidzirwa kuti aurayiwa nechirwere cheTyphoid.

Dambudziko rekushaikwa kwemari rave kupa vamwe vanhu vafambe namakadhi emaATM vachipihwa mari nevanenge vachida kutenga muzvitoro zvikuru vobhadhara kamutero kadiki.

Traffic Safety Council of Zimbabwe yobatana neSouth Africa svondo rinouya kupa vatyairi dzidziso nezvenjodzi mumigwagwa pazororo regoredzva.

Kanzuru yeHarare inoti hurumende nevagari vane zvikwereti zvinodarika mamiriyoni mazana mashanu.

Magweta anorwira kodzero dzevanhu anoti vagari vekuChiyadzwa varikunetseka zvikuru nekubatwa kwavari kuitwa nehurumende.

Chikwata cheZimbabwe Warriors, Caps United neNgezi zvoita makwikwi ekumirira nyika gore rinouya.

Muchirongwa chedu cheLiveTalk The Connection, nhasi tiri kutaura nevechidiki nezvezvisungo zvavo muna 2017

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai Whatsapp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na 7pm pamasaisai anoti 909 am ne 13860. 15460 ne 4930 Kilohertz paShortwave.

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu nekudzvinya pakanzi LIKE.

Misoro yeNhau, Chipiri Zvita 27, 2016
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:50 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG