Accessibility links

Breaking News

Vana Chiremba Vanonzi Vari Kuramba Kusaina Magwaro eKupinda Mabasa


Kuramwa mabasa kwavanachiremba kunonzi kwaomesera vanhu zvakanyanya
Kuramwa mabasa kwavanachiremba kunonzi kwaomesera vanhu zvakanyanya

Makakatanwa pakati pehurumende navana chiremba vachangopedza zvidzidzo anonzi haasi kutarisirwa kupera nekukasika zvichitevera danho rinonzi riri kutorwa navana chiremba ava rekuramba kusaina magwaro ekupinda mabasa kana kuti makondirakiti.

Makakatanwa pakati pehurumende navana chiremba vachangopedza zvidzidzo anonzi haasi kutarisirwa kupera nekukasika zvichitevera danho rinonzi riri kutorwa navana chiremba ava rekuramba kusaina magwaro ekupinda mabasa kana kuti makondirakiti.

Mukupera kwesvondo hurumende kuburikidza neHealth Services Board, yakazivisa kuti yakanga yavandudza gwaro rekutanga iro rakanga rarambwa navana chiremba ava vachiti raive nezvakawanda zvavainge vasingawirirane nazvo.

Asi mumwe chiremba asingabvumidzwi kutaura nevatori venhau audza Studio7 kuti hurumende haina zvakanyanya zvayakashandura kubva pamakondirakiti ekutanga avakaramba kusaina kunze kwekuzivisa mari dzemihoro dzvanenge votambira.

Chiremba uyu anoti chakangoshanduka chete kuziviswa kwemari dzemihoro dzavanenge votambira pamwe nenguva inobvumidzwa vana chiremba vechidzimai kuti vaende pazororo remateneti kubva kumakore maviri kuenda pagore.

Vana chiremba ava masvondo maviri apfuura vakanyorera kuboka reHealth Services Board vachinyunyuta nezvavaiti zvitange zvagadziriswa vasati vasaina magwaro aya, izvo zvakazoita kuti hurumende igadzirise magwaro aya.

Mumagwaro matsva aya vana chiremba ava vanonzi vanenge votambira madhora mazana masere nemakumi mapfumbamwe nemashanu pamwedzi, mari iyi ichisanganisirawo dzekubatsirikana.

Zvinonziwo hurumende yakavandudza danho rayo rekutanga rekuti vana chiremba vechidzimai havakwanisi kuenda pazororo remateneti kwemakore maviri vachatanga basa, ikati vave kurambidzwa kwegore rimwechete chete.

“Isu hatisi kuzosaina nekuti zvangoshandurwa nehurumende zviviri chete,” anodaro chiremba aramba kudomwa nezita rake.

Chiremba uyu anoti zvimwe zvavari kuramba mumakondirakiti aya inyaya yekuti chiremba anenge akundikana muzvidzidzo zvake akadzokorora anenge atobuda muchibvumirano chebasa.

Kuramwa mabasa kwavana chiremba ava, uko kwave nemwedzi, kunonzi kwakonzerawo kuvharwa kwedivi rinosvikira varwere pachipatara cheMpilo kuBulawayo sezvo chipatara ichi chichinzi hachina vana chiremba vakakwana.

Studio7 yakundikana kubata mutungamiri wesangano ravana chiremba reHospital Doctors Association, Doctor Fortune Nyamande, kanawo divi rehurumende kuti tinzwe pavamire panyaya iyi.

Asi mutauriri weMDC T, VaObert Gutu, vanoti hurumende inofanirwa kukoshesa hupenyu hwevanhu pamwe nekodzero dzevashandi.

“Isu sebato rakabva muvashandi, tinorwadziwa zvikuru kana hurumende ichi bata vana ava nekunze kweruoko. Inofanirwa kudimura kune mari dzairi kutambisa ichitengera vakuru muhurumende mazimotokari nezvimwe zvakadaro, ipe vana ava mari dzavo,” VaGutu vanodaro.

Vanoti panenge paita matambudziko akadai varombo ndivo vanotovedzerwa kutambura kwavo.

Hurukuro naVaObert Gutu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:41 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG