Zvizvarwa zveZimbabwe zvinozivikanwa nekusarara nezamu mumukanwa kana zvaenda kunze kwenyika, sezvo zvzhinji zvacho zvichi svikopindawo mumabhizimusi anenge achiitwa neveko.
Mumwe wevana veZimbabwe ari kunze kwenyika akatangawo kambani yake mushure mekuonawo zvaiitwa nevaaishandira ndaVaSamson Felo, avo vakabatana neshamwari yavo Tatenda Mahari vakatangawo kambani yavo yekutakura zvinhu ye F and M Movers.
"Tiri kushanda tichiita zvekutamisa vanhu, tichishandisa hunyanzvi hwedu hwekutamisa vanhu. Tiri vaviri takabatana takatanga company yedu, saka iye zvino titori pakati pekutamisa vanhu," VaFelo vanodaro.
VaFelo, avo vakazvarirwa nekukurira mumusha weTafara muHarare, vanoti hupenyu hwekunze kwenyika hunongoda kushandisa njere sezvaunofanirwa kungoita uri kumusha nekuti chinangwa chimwechete, chekuraramisa mhuri.
Vanoti vave nemakore gumi nemaviri vari kunze kwenyika, gumi acho aperera muAmerica umo vanogara mudunhu reVirginia.
VaFelo vanozivikanwawo zvakare munyaya dzemimhanzi, zvikuru pavanombobatana naOliver Mtukudzi paanomboshanya muAmerica.
"Zvemumhanzi hatina kumiraba, hatina kumiraba nekuti chinoitika ndechekuti ukange uine chipo ndechekubarwa nacho, hachibve mauri."
Vanoti pari zvino ivo neshamwari yavo yavakakura nayo kuTafara, Mathias Julius, iri kuNew York muAmerica zvakare, vari kubika dambarefu idzva ravachabura munguva pfupi inotevera.
Kurudziro yavo kuvana veZimbabwe,vanoti vanhu ngavasimudzirane kuburikidza nekutsigirana mumabhizimusi avanenge vachiita.
"Kwete kuti ukange wanzwa kuti nhingi ane zvaanoita wobva wafunga kuti nekuti tinobva kumusha kumwechete ngandichiitirwa mahara, kana kuti ngandichiitirwa zvisina muripo. Idambudziko iroro nekuti tinofanirwa kunge tichidzidza kubva mazviri," VaFelo vanodaro.