Accessibility links

Breaking News

Sangano reRural Teachers Union of Zimbabwe Rotsvaga Nzira dzeKuumba Nadzo Hukama neVagari

Rural Teachers' Union of Zimbabwe
Rural Teachers' Union of Zimbabwe

Nekuona kuti hukama pakati pevarairidzi vekumaruwa nevagari vemunharaunda dzavanoshandira hunogaroshanduka munguva dzesarudzo, sangano reRural Teachears’ Union of Zimbabwe rakaronga kuita mitambo inobatanidza mapoka maviri kuti vakwanise kugarisana murunyararo.

Mutungamiri weRural Teachers Union of Zimbabwe, VaObert Masaraure vanoti chirongwa chavo ichi chichaparurwa neMugovera panzvimbo yemabhizimusi yeCharumbira kuHwedza mudunhu reMashonaland East, uye vakakoka hutungamiri hwemunharaunda hunobvira panakanzura kusvika kumadzishe.

"Hurongwa hwatinahwo mangwana ndehwekubatanidza vanhu vemunharaunda dzinoshandira maticha ekumaruwa, tichange tichiita ma games ekuti tinge tichiunganidza vanhu vemunharaunda imomo, maticha, masabhuku, vechidiki nema councillor," VaMasaraure vanodaro.

Panyaya yekuti hurongwa hwavo uhwu hungamisa here vanobva kune dzimwe nzvimbo vanonzi ndivo vanonokonzera mhirizhonga kune mamwe matunhu, VaMasaraure vanoti zvinogona kubatsira nekuti vemunharaunda ndivo vanenge vabvumidza vekunze ava kupinda munzvimbo mavo.

"Hongu zvinobatsira nekuti misangano yatiri kuita nevekuno vanototi vanobva kunze kana vachiuya vanopiwa mvumo naivo vemunharaunda imomo."

VaMasaraure vanoti vadzidzisi vekumaruwa vagara vachioneswa chitsvuku nevezvematongerwo enyika, zvikuru munguva yesarudzo, izvo zvinoita kuti vamwe varasikirwe nehupenyu kana kuremadzwa.

Vanotiwo hurongwa uhwu huchaendeswa kumatunhu ose ane mbiri yemhirizhonga yezvematongerwo enyika munguva dzesarudzo.

Hurukuro naVaObert Masaraure
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

This item is part of
XS
SM
MD
LG