Accessibility links

Breaking News

Vagari vekuTynwald North muHarare Vogadzira Voga Migwagwa muNzvimbo Yavo


Vagari vakawanda muHarare vave kugadzira voga migwagwa munzvimbo dzavo
Vagari vakawanda muHarare vave kugadzira voga migwagwa munzvimbo dzavo

Vagari vekuTynwald North, kuWestage muHarare vakabatanidza mari yavo kuvhara makomba emumwe mugwagwa uri munharaudza mavo mushure mekuona kuti kanzuru haisi kusimudza musoro pazvichemo zvavo.

Vagari ava vakashandisa mari dzavo kuhaya zirori rekutakura matombo pamwe neivhu zvekushandisa kuvhara makomba akachereka mumugwagwa uyu, izvo zvinonzi zviri kukonzera kuti vanhu vaparadzane nemari dzakawanda vachigadzirisa motokari dzavo.

Imwe nyaya yakaita kuti vagari ava vaite mudeme-mudeme ndeyekuti vatyairi vemakombi vanonzi vakanga vasisada kupinda munzvimbo iyi vachiti mugwagwa uyu waikuvadza dzimotokari dzavo.

VaTaonana Katiyo vekomiti inoona nezvekugadzirwa kwemugwagwa uyu vanoti vakanga kutaura nezvekugadzira mugwagwa uyu vari pabhawa zvavo vakatandara nevamwe, vakafunga kushandisa motokari dzavo kuti vatakure ivhu rekuvhara makomba aya.

VaRonny Tumbare ndivo vakashandisa rori ravo iro rakatakura ivhu iri.

VaTumbare vanoti imwe nyaya yakavhundutsa vagari vemuTynwald North ndeyekuti pane mbavha dzinomira mumugwagwa umu usiku dzopaza motokari padzinenge dzichifamba zvishoma zvishoma padzinenge dzichiedza kunzvenga makomba aya zvokuti vanga vave kutya kuti pangazoguma paurayiwa munhu.

VaTumbare vanoti panenyaya yeKirkman Private School, chikoro chisiri chehurumende, icho vanoti chaifanira kubatsira kugadzirawo mugwagwa uyu nekuti vana vanodzidza ipapo havasi vagari vemuTynwald North chete asi kuti vamwe vanotouyawo nedzimota mazuva ose.

Mumwe wevakatanga nekomiti iyi VaFrancis Mandimika vanoti mugwagwa uyu unotozezesa chaizvo nokuti motokari yavo inogara yakaenda kugaraji kuti ichinjwe ma shock nema suspension.

VaEzekiel Mushongwe vanoti kanzuru yeHarare hapana zvairi kuita maererano nezvekugadzirwa kwemugwagwa uyu nekudaro vakaona zvakakodzera kuti vaite basa racho pachavo.

Gore rapfuura munaZvita Councilor we Ward 41 muTynwald North Amai Charity Bango vanoti kugadzirwa kwemigwagwa ibasa rakabviswa kukanzuru rikapiwa bato reZinara nekudaro migwagwa mizhinji haisisina kumira zvanaka.

Vanoti imwe nyaya ndeyekuti mugwagwa weTynwald North uyu waiva usiri pahurongwa hwemigwagwa ichagadzirwa muWard 41 zvekuti vachaedza kuti vanotaura kukanzuru kuti nyaya iyi itaurwe nezvayo.

Nyaya ina Kiri Mudzamiri
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:36 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG