Accessibility links

Breaking News

Mufundisi Patrick Mugadza Vorara muHusungwa Mushure Mekuratidzira muHarare


Pastor Patrick Mugadza vachiratidzira
Pastor Patrick Mugadza vachiratidzira

Murwiri wekodzero dzevanhu uye vari mutungamiri wekereke yeRemnant, Pastor Patrick Phillip Mugadza vakasungwa muHarare nemusi weChipiri mushure mekunge varatidzira vari muAfrica Unity Square, umo vanga vakasvisunga necheni.

Gweta riri kumirira Pastor Mugadza, VaGift Mutisi veZimbabwe Lawyers for Human Rights vanoti mapurisa apomera Pastor Mugadza mhosva yekuita zvemusarinya, pasi pechikamu 46 (2) (v) chemutemo weCriminal Law (Codification and Reform) Act, uye vari kutarisirwa kumiswa pamberi pedare nemusi weChitatu.

VaMutisi vanoti vakumbira mapurisa kuti amhanyise Pastor Mugadza kuchipatara mushure mekunge vagunun'una kuti vainge varohwa zvakaipisisa nevanhu vakavatora nechisimba kubva muAfrica Unity Square vakaenda navo paparamende apo vakaroverwa.

VaMutisi vanoti vanotarisira kuti mapurisa achatevera kurudziro yekuti VaMugadza vaendeswe kuchipatara uko vanotarisirwa kurara vachizoendeswa kudare.

Hurukuro naVaGift Mutisi
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG