Accessibility links

Mapato ane Nhengo muParamende Anosangana neZEC

  • Jonga Kandemiiri

MDC party spokesman Douglas Mwonzora explaining a point in Harare. (Sebastian Nyamhangambiri for VOA)

Mapato matatu ane nhengo mudare reparamende anoti Zanu PF, MDC-T, neMDC akasangana neZimbabwe Electoral Commission mukupera kwesvondo kuti vatsvage nzira dzekurerutsira vanhu mukunyoresa kuti vagozokwanisa kuvhota.

Munyori mukuru weMDC-T, VaDouglas Mwonzora vanoti zvikuru zvavakakurukura mumusangano wakaitirwa kuKadoma uyu zvinosanganisira nyaya yekuti vanhu vasina zvitupa vakwanise kuzviwana pachena uye kuti vane vabereki vekunze vakwanise kunyoresawo kuvhota zvisina dambudziko.

Zvimwe zvinonzi naVaMwonzora vakakurukura inyaya dzenzvimbo dzekunyoresa kuvhotera idzo vanoti semapato vakawirirana kuti vose vanofanirwa kubvumirana kuti dunhu roga roga rinofanirwa kuve nenzvimbo ngani dzekunyoresa kuvhota.

Panyaya yekuti vanhu vatange varatidza gwaro repaanogara, VaMwonzora vanoti mapato ose akawirirana kuti vanhu vanofanirwa kubvumidzwa kushandisa kana kadhi rekuchipatara chairo.

Vanoti vachasangana nemakurukota ane mapazi anobata zvose zvavakakurukura izvi kuti zvigadziriswe kunyoresa kwevanhu kusati kwatanga muna Gumiguru, sezvavanoti vakavimbiswa neZEC.

Mapato anopikisa agara achirwira kuti mitemo ine chekuita nesarudzo ivandudzwe sarudzo dzisati dzaitwa, asi hurumende inonzi iri kukweva makumo, izvo zvinonzi nevamwe zvichamanikidza kuti nyika iite sarudzo pasina chaitwa.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG