Accessibility links

Breaking News

Vashandi Vanoda Kusvika Chiuru Vanorasikirwa neMabasa muKutanga kweGore


Vashandi vekumabhanga vachiratidzira
Vashandi vekumabhanga vachiratidzira

Vashandi mazana mapfumbamwe nemakumi mana nevapfumbamwe vanonzi vakarasikirwa nemabasa mumwedzi mitatu yekutanga kwegore rino, panguva imwecheteyo makambani gumi nematatu akavharwa nekuda kwekusamira zvakanaka kwezvinhu munyaya dzezveupfumi munyika.

Izvi zvakaburitswa mugwaro rebhanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe rinoongorora mashandiro emakambani richitarisa mwedzi mitatu yekutanga kwegore.

Gwaro iri rinoti zvikonzero zvikuru ndezvekuti zvigadzirwa mumakambani zviri kuramba zvichiita zvishoma, ukuwo makambani achipa zvikonzero zvekuti ari kuderedza huwandu hwevashandi, kushaikwa kwezvekushandisa pamwe nekuti mamwe makambani ave pasi pematare.

Izvi zvinonzi zviri kuitika panguva iyo vemakambani vaderedza kuwandu hwezvigadzirwa pamwe nekuderera kwegoho zvichikonzerwa nekusanaya zvakanaka nekuda kwemamiriro ekunze ne El Nino.

Munyori mukuru weZimbabwe Federation of Trade Unions, VaKennias Shamuyarira vanoti vanowirirana negwaro reRBZ iri sezvo riri kuburitsa zviri kuitika chaizvo munyika.

“Zviri kuitika izvi hazvifanirwe kunge zvichiitika asi honzero yacho iri kuita kuti zviite saizvozvo ndeyekuti munyika muno maita lack of policy pride in terms of vision though tiine ma economic blueprints akaita se ZimAsset, handitika,” VaShamuyarira vanodaro.

RBZ inoti zvimwe zvakaita kuti mwedzi mitatu iyi itadze kusimuka ndezvekuti vemabhizimusi vakanga vaunganidza zvinhu vachigadzirira nguva yeKisimusi mukupera kwa2015, izvo zvakatora nguva kuti zvinhu izvozvo zvibve mumasherufu.

Pamusoro pezvo, vatengi vanonzi vakateverawo zvinhu zvine mitengo iri pasi zvinove zvinobva kunze.

Mamwe makambani anonzi akaiswa pasi pehutungamiri hwematare anosanganisira Davidi Whitehead, Belmont Leather, Border Timbers neZimasco.

Hurukuro naVaKennias Shamuyarira
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:37 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG