Accessibility links

Breaking News

Zvizvarwa zveZimbabwe Zviri Kunze Zvotambira Zvakasiyana Hwaro hweMari Hutsva


VaElliot Pfebve, nhengo yeMDC uye vari mumiriri webato iri mudunhu reEurope.
VaElliot Pfebve, nhengo yeMDC uye vari mumiriri webato iri mudunhu reEurope.

Zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika zvatambira nenzira dzakasiyanasiyana hurongwa hwemashandisirwo emari hwaparurwa nagavhuna vebhanga guru renyika, reRserve Bank of Zimbabwe, Doctor John Mangudya.

Vamwe vanoti hurongwa uhwu huchabatsira vari kunze vanenge vachitumira mari kumusha, kana vanotenga nekutengesa zvinhu kunze.

Asi vamwewo ndivo vanoti havaoni paine chikuru chashandurwa naVaMangudya kubva pane hwaro hwemashandisirwo emari hwagara huripo, kunze kwekungochinja mazita ezvimwe zvinhu zvakaita sekuti RTGS yave dhora rekushandisa munyika. Vanoti dai VaMangudya vaparura mari itsva yenyika paibva pazivikanwa kuti vakazvipira kugadzirisa hupfumi hwenyika.

Mutungamiri wesangano revanotenga nekutengesa zvinhu kunze kwenyika, reInternational Cross Border Traders Association, VaDenis Juru, vanoti hapana chitsva chavaona sezvo bhanga guru renyika riri iro ragara richingotenga mari yekunze pamisika mitema.

VaJuru vanoti chaitwa chete apa kungogadziridza nzira dzekutora nadzo mari yekunze kubva muvarombo kuburikidza nekubvumidza mabhanga kana kuti ma bureau de change kuti atenge pamwe nekutengesa mari dzekunze.

Asi vanokurudzira kuti dai paiswa mikana yekuti vanotenga kunze ava vazokwanisa kuwana mari yekunze kuma burea de change nemari iri pasi.

Hurukuro naVadenis Juru
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Nyanzvi mune zveupfumi uye vachimirira MDC mune zvemabhizimusi nekutengeserana mudunhu reEurope, VaElliot Pfebve, vanoti matanho aturwa naVaMangudya angadai ari matanho akatorwa kare-kare nehurumende mukuedza kugadzirisa hupfumi hwenyika, pasati patoiswa bond note muna 2016.

"Problem iriko kuZimbabwe haisi ye rate, problem iripo ndeyehutungamiriri hweZanu PF, hutungamiri husina kutswasuka. Ndohwaita kuti pange pasina both investor confidence, economic confidence. Saka tiri kuona kuti hongu, vanogona kunge vaisa zvinhu zvingangoti reruke kune vanhu vanenge vachida kuchinja mari".

Asi VaPfebve vanoti chokwadi chinozivikanwa ndechekuti ipapa pachangotanga humwe huwori zvakare, nekuti chaita kuti nyika isvike pairi apa huwori kweZanu PF.

Vanoti seMDC, hurongwa hwavo hwemari kana vapinda panyanga, ndehwekuti nyika imboshandisa mari yekuSouth Africa yeRand kwenguva duku ichigadzikana, vozoparura dhora renyika mukufamba kwenguva.

Studio 7 haina kukwanisa kunzwawo divi reZanu PF panyaya yekuparurwa kwehurongwa hwemari iyi, kanawo zviri kutaurwa naVaPfebve zvekuti Zanu PF ndiyo yakauraya hupfumi hwenyika.

Hurukuro naVaElliot Pfebve
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:16 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG