Accessibility links

Breaking News

Magweta aVaMahiya Oenda KuHigh Court Kunokumbira Mukana Wkuti Vabvisiswe Mari yeChibatiso


Sachigaro weCrisis in Zimbabwe Coalition VaRashid mahiya vari kupomerwa mhosva yekuda kupidigura hurumende.
Sachigaro weCrisis in Zimbabwe Coalition VaRashid mahiya vari kupomerwa mhosva yekuda kupidigura hurumende.

Magweta ari kumirira mukuru weHeal Zimbabwe Trust, uye vari sachigaro weCrisis in Zimbabwe Coalition, VaRashid Mahiya, eZimbabwe Lawyers for Human Rights, anoti ave kuenda kudare repamusoro reHigh Court kunokumbira mukana wekuti VaMahiya vapihwe mukana wekubvisa mari yechibatiso kuitira kuti vatongwe vachibva kumba kwavo.

VaMahiya vakamiswa pamberi pedare ramejasitiriti muHarare neChipiri vachipomerwa mhosva yekuda kupidigura hurumende yaVaEmmerson Mnangagwa zvisiri pamutemo.

VaMahiya, avo vari kumirirwa naVaTonderai Bhatasara veZimbabwe Lawyers for Human Rights, vanonzi vari kuramba mhosva yavari kupomerwa.

Mutauriri weZimbabwe Lawyers for Human Rights, VaKumbirai Mafunda, vanoti VaBhatasara vaswera vachimyanyamhanya kuenda kudare reHigh Court kuti vaedze kukwanisa kuti VaMahiya vabvisiswe mari yechibatiso.

VaMafunda vanoti VaMahiya vari kutarisirwa zvakare kudzokera kudare musi wa 12 mwedzi unouya waKurume.

Hurukuro naVaKumbirai Mafunda
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG