Accessibility links

Breaking News

Mamwe Mapato Anoti Akagadzirira Kare Sarudzo dzeGore Rino


Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vakazivisa kuti sarudzo dzichaitwa musi wa30 Chikunguru 2018.
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vakazivisa kuti sarudzo dzichaitwa musi wa30 Chikunguru 2018.

Mamwe mapato ezvematongerwo enyika anoti haana kushamisika nekutarwa kwakaitwa zuva ra 30 Chikunguru 2018 sezuva richaitwa sarudzo dzose dzemunyika, achiti akagara achitevera mumbiro remitemo, iro rinoti sarudzo dzinofanirwa kuitwa pakati pemusi wa 21 Chikunguru na 22 Nyamavhuvhu 2018.

Asi mapato aya anotiwo VaMnangagwa vaifanirwa kuzozivisa nezvezuva resarudzo zvose zvinofanirwa kugadziriswa mumutemo wesarudzo zvagadziriswa, uye Zimbabwe Electoral Commission, ZEC, yatanga yaburitsa gwaro revavhoti.

Vachizivisa nezvezuva resarudzo iri, VaMnangagwa vatiwo izvi zvave kureva kuti mapato achapinda musarudzo asununguka kuchitsvaga rutsigiro sezvo nguva yekutsvaga rutsigiro yaparurwa.

Munyori mukuru mubato rePeople's Democratic arty inotungamirirwa naVaTendai Biti, VaSettlement Chikwinya, vanoti bato ravo rakagara rakanongedzwa kwekuenda nebumbiro remitemo yenyika, iro rinoti sarudzo dzinofanirwa kuitwa pakati pa 21 Chikunguru na22 Nyamavhuvhu gore rino.

Asi VaChikwinya vanotiwo nyaya yekuti ZEC izivise kuchadhindirwa magwaro ekuvhotesa ndeimwe yenyaya dzinofanirwa kutanga dzagadziriswa sarudzo dzisati dzaitwa.

Mutevedzeri wemutungamiri weMDC-T inotungamirirwa naMuzvare Thokozani Khupe, VaObert Gutu, vanoti kunyange hazvo vari kutambira kutarwa kwezuva resarudzo, vanoona sekunge VaMnangagwa vakamhanya zvishoma nekuti vaifanirwa kuzozivisa zuva iri mushure mekunge gwaro revavhoti raburitswa neZEC.

Hurukuro naVaObert Gutu pamwe naVaSettlement Chikwinya
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG