Accessibility links

Breaking News

Pope Francis Voshanyira America Vatendi Vachikurudzira Kujekeswa kweMitemo yeRoman Catholic


Pope Francis
Pope Francis

Apo mukuru wechechi yeRoman Catholic, Papa Francis, VaJorge Mario Bergoglio, vari kutarisirwa kupinda muAmerica nemusi weChipiri vachibva kuCuba uko vanga vari kushanya, nhengo dzechechi iyi muZimbabwe dzinoti dzinotarisira kuti vachashandisa mukana uyu kusimbisa kudyidzana kweAmerica nechechi yavo.

Vari kushanya kuAmerica kwemazuva matanhatu kutanga neChipiri. Vatendi ava vanoti Papa Francis vanofanirwawo kushandisa mukana uyu kujekesa tsika yesvondo yavo, zvikuru sei panyaya yemichato, nezvimwe zvakasiyana siyana.

Nhengo dzechechi iyi dzakawanda dzinoti dzinofara nekushanya kwaPapa kuAmerica uye sesvondo dzaudza Studio 7 kuti kushanya kwavo kuchasimudzirawo chitendero chechikatorike munyika iyi.

Muzvare Talent vepaHoly Cross Parish kuBudiriro vanoti dai rwendo rwaPapa rwabudirira asi vachitiwo shuviro yavo huru ndeyekuti dai vashanyirawo Africa neZimbabwe.

Imwewo nhengo yesvondo iyi kubva paHoly Cross Parish pakare, muzvare Mary Munemo vanoti dai Musiki vakakomborera rwendo rwaPapa kuti vakwanise kuno dzidzisa vanhu vekunyika yeAmerica pamusoro pechitendero cheRoman Catholic Church.

Muzvare Muneno vanotiwo vanoziva kuti vanhu vakawanda vemuAmerica vane mafungiro akasiyana siyana pamusoro pechitendero ichi uye Papa vanofanira kushandisa kushanya kwavo kujekesa tsika dzechitendero chechikatorike uye izvi zvinofanira kukwezva vatenderi vakawanda.

Mumwewo mutenderi wesvondo iyi uyo asina kuda kuburitswa zita rake pamhepo audza Studio 7 kuti anofara nehutungamiriri hwaPapa Francis uyewo rwendo rwavo kuAmerica neCuba runoratidza rudo rwavo kuvanhu vese kana vane mafungiro akasiyana munyaya dzezvematongerwo enyika.

Asi mumwewo mutenderi ati anonzi mukoma John anoti muAmerica munoitika zvinhu zvakawanda zvakaita sechingochani uye zvakakosha kuti Papa vabude pachena kuti svondo yeRoma yakamira papi panyaya iyi.

Aenderera mberi achiti Papa vanofanirawo kuuya kunyika dzakaita seZimbabwe kuti vazojekesa dzidziso yechikatorike zvikuru sei pawanano pachivanhu kana kuti customary marriage.

Pari zvino vanotevedzera tsika dzechivanhu vari makatorike vane zvimwe zvavasinga bvumidzwe kuita musvondo.

Munyori wesangano rinomirira maBishop esvondo yeRoman Catholic reZimbabwe Catholics Bishops Conference, Father Fradereck Chiromba vanoti vanoona Pope Francis vari munhu anofarirwa neveruzhinji uye varikuedza kuti vanhu vanzwisise chitendero chechikatorike.

Vanoti Papa Francis vanoda kuti vanhu vasiyane nehondo, varegererane uye kuti pasi rose rive nerunyararo.

Vanoenderera mberi vachitsinhira kuti Papa Francis havasi kushandura dzidziso yechechi asi kuti munhu ave kutsanangura pamwe nekurerutsa dzidziso yesangano zvikuru sei panyaya dzakaita sesakaramende remuchato.

Vanoti semuenzaniso, vanhu vainge varambana vainge vasingabvumidzwe kuchata zvekare asi dzidziso yavakapa mazuva apfuura inorerutsa nekupa vanhu ava mukana zvekare mushure mekunge sangano raongorora michato inenge yaputsika.

Papa Francis, avo vanobva kuArgentina, vakadomwa kuve Papa muna 2013 vachitsiva Pope Benedict avo vakaenda pamudyandigere. Papa Francis ndivo vechimazana maviri nemakumi matanhatu nenhanhatu kutungamira chita ichi.

Pakushanya kwavo kuAmerica, vachasangana nemutungamiriri wenyika iyi VaBarack Obama, uye vachataurawo kunhengo dzeCongress uye kushanyirawo nzvimbo dzakawanda pamwe nekupinza misa munzvimbo dzakawanda muAmerica.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG