Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inomisa Vamwe Vakuru veMapurisa Mabasa


Mutauriri wemapurisa Amai Charity Charamba, vari kumuzinda wemapurisa muHarare, Zimbabwe, Nov. 27, 2017.
Mutauriri wemapurisa Amai Charity Charamba, vari kumuzinda wemapurisa muHarare, Zimbabwe, Nov. 27, 2017.

Hurumende yaVaEmmerson Mnangagwa yamisa vakuru vemapurisa vanodarika makumi matatu basa kutanga nhasi.

Vamiswa basa ava vanonzi vane zvigaro zvinotangira pa senior assistant commissioner zvichikwira, uye vazhinji vavo vanonzi vakatotanga kutambira matsamba ekuvamisa mabasa kubva nezuro.

Tsamba iri mumaoko eStudio 7 inoratidza kuti vakafanobata chigaro chemukuru wemapurisa kana kuti Acting Commissioner General VaGodwin Matanga vakashandisa chikamu chemutemo wemapurisa che Section 22 subsection (3) (Chapter 11:10) che Police Act, mukumisa mapurisa aya basa.

Tsamba iyi inotaurawo kuti mapurisa amiswa basa aya achapiwa mari dzemwedzi mitatu, nguva yavanofanira kunge vachishanda mushure mekunge vaziviswa nezvekumiswa kwavo basa.

Gurukota rezvekudzivirirwa kwenyika mubato rinopikisa reMDC-T, VaGiles Mutsekwa, vanoti zvaitwa nehurumende izvi chidzidzo chakasimba kumapurisa ose anga achishanda achitevera munhu, kwete mutemo, sezvo mapurisa mazhinji akanga asingateveri bumbiro remitemo, asi kuti zvido zvemutungamiri wenyika nebato rake reZanu PF.

Vanoti sebato, vagara vachichemera kuti mapoka ane chekuita nekuchengetedzwa kwenyika anofanirwa kuvandudzwa kuitira kuti atevere bumbiro remitemo yenyika.

VaMutsekwa vanotiwo chinogona kunge chakonzera danho iri makakatanwa ari muZanu PF pakati pezvikwata zveLacoste neG40.

Kubva pakashandurwa hutungamiri muhurumende VaEmmerson Mnangagwa vachitora matomu, shanduko yakawanda iri kuitikawo nemumapoka ehurumende akaita semuchipurisa, zvichitevera kusiiswa basa kwevaive mukuru wemapurisa, VaAugustine Chihuri.

Pari zvino VaObert Mpofu ndivo gurukota rezvemukati menyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:36 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG