Accessibility links

Breaking News

VaMaguwu Vanoti Mamiriro eZvinhu muZvitokisi Akashata


Mukuru wesangano rinorwira kodzero dzevanhu kune zviwanikwa reCentre for Natural Resource Governance, VaFarai Maguwu
Mukuru wesangano rinorwira kodzero dzevanhu kune zviwanikwa reCentre for Natural Resource Governance, VaFarai Maguwu

Mukuru wesangano rinorwira kodzero dzevanhu vanogara munzvimbo dzine zviwanikwa, reCenter for Natural Resource Governance, Va Farai Maguwu, vanoti zvitokisi zvemunyika hazvina kumira zvakanaka.

Izvi zvinotevera kurara kwakaita VaMaguwu nevamwe makumi maviri nevatatu muchitokisi chepa Mutare Central Police Station usiku hwemusi weChisnahu mushure mekusungwa vachipomerwa mhosva yekupinda zvisina mvumo muminda yemangoda ekwaChiadzwa.

VaMaguwu vanoti muchitokisi mavakanga vari makanga musina magumbeze, asi kuti vakarara vakafuka zvikorobho chaizvo.

Vanoti nekuda kwekuti twumagumbeze utwu hatwuwachiwe, inda dziri kuita madiro aJojina muvasungwa.

Chimwe chavanoti chakavashungurudza kusashambidzika kwechimbuzi, icho chinodirwa mvura kamwe chete pazuva, uye zvichiitwa nemunhu ari kunze.

VaMaguwu nevamwe vavo vaibva kunyika dzinoti Brazil, Britain, Kenya, South Africa, Swaziland, Uganda neZambia, vakasungwa munzvimbo yekwa Mukwada uko vakanga vaungana vachida kucherechedza kushungurudzwa kwevanhu vaichera mangoda nehurumende.

Vakazomiswa pamberi pedare ramejasiteriti kwaMutare neMugovera vakazobhadhariswa mari inoita zana remadhora pamunhu oga-oga yenhenda murandu kana kuti faindi.

Asi VaMaguwu vanoti mamiriro ezvinhu muzvitokisi ndiwo akaita kuti vabhadhare mari iyi, kwete kuti vakabvuma mhosva dzavaipomerwa.

Vanoti vane hurongwa hwekukwira kumatare edzimhosva kuti angorore zvakare mhosva dzavari kupomera, sezvo ivo vachiti havana mhosva yavakapara mushure mekunge vashanyira kwaChiadzwa.

Hurukuro naVaFarai Maguwu
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:16 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG