Accessibility links

Breaking News

MDC T Yoshoropodza Kushungurudzwa kweVanhu neMapurisa


Mapurisa eZRP achishungurudza vanhu vaitiza mhirizhonga.
Mapurisa eZRP achishungurudza vanhu vaitiza mhirizhonga.

Bato reMDC T rinoti mukuru wemapurisa Commissioner-General Augustine Chihuri vanofanirwa kusiya basa senzira yekuratidza kunyara nezvakaitwa nemapurisa zvekushungurudza vanhu panguva yekuraitdzira pamwe nekuramwa mabasa kwakaitika svondo rapera.

Mutauriri weMDC T VaObert Gutu vanoti sebato, vanoshora zvikuru kurohwa, kutotywa pamwe nekutyorwa kwekodzero dzevanhu kwaitwa nemapurisa panguva iyi, izvo zviri kuburitswa mumadandemutande neveruzhinji.

"Zvakaitwa nemapurisa zvinotifungisa isu vati kureyi hutsinye hwaiitwa nehurumende yehudzvanyiriri yaIan Smith zvekushungurudza vanhu munyaya dzezvematongerwo enyika. Saka tinoti kwete kwete kuzvinhu zvakadai," VaGutu vanodaro.

VaGutu vanoti nhengo dzebato ravo dzeparamende dzichakwidza nyaya iyi mumatare eparamende neseneti uye VaChihuri nehumwe hutekwatekwa hwemuchipurisa hunofanirwa kumiswa pamberi pekomiti yeparamende inoona nezvemukati menyika kuti vatsanangure kuti sei mapurisa akatora matanhu ekushungurudza vanhu aya.

Vanhu vakawanda vanonzi vakarohwa pamwe nekutotywa nemapurisa vari muhusungwa, nevamwewo zvavo vanonzi vaingobatanidzirwa vasina mhosva dzavakapara.

Studio 7 haina kukwanisa kunzwa divi remapurisa panyaya iyi.

Hurukuro navaObert Gutu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG