Accessibility links

Breaking News

Bato rePDP Rozvipira Kuramba Riri muMubatanidzwa weMDC Alliance


VaMorgan Tsvangirai, VaTendai Biti naVa Welshman Ncube.
VaMorgan Tsvangirai, VaTendai Biti naVa Welshman Ncube.

Bato rinopikisa rePeoples Democratic Party rakazivisa nemusi weChishanu kuti rakazvipira kuramba riri mumubatanidzwa wemapato anopikisa weMDC Alliance uye rati rave kutaurirana nemamwe mapato ari mubatanidzwa uyu kuti mubatanidzwa uyu uchashanda sei.

Vachitaura mushure memusangano weManagement Commiitee yebato muHarare, mutungamiriri webato iri, VaTendai Biti, vakati kubatana chete ndiko kuchaita kuti mapato anopikisa akunde musarudzo uye vakurudzira mapato ose anopikisa asati ave mumubatanidzwa uyu kuti apinde muMDC Alliance.

VaBiti vati bato ravo richaramaba riri mumubatnidzwa uyu.Vatiwo bato rePDP richatsigira munhu anenge adomwa nemapato ari muMDC Alliance kuti atungamire mubatanidzwa uyu.

Vatiwo vazeya nyaya yekuti Zimbabwe Electoral Commission haikwanisi kuita sarudzo dzakachena uye vanoda kuti masangano akaita seUnited Nations, African Union neSouthern Africa Development Community aumbe komiti ichazoitisa sarudzo dzegore rinouya muZimbabwe.

PDP yazeyawo nyaya dzemamiriro akaita hupfumi hwenyika, nyaya yekushandiswa kwechikafu munyaya dzematongerwo enyika uyewo yashora nyaya yemhirizhonga iri kuitwa neZanu PF.

Kunyange hazvo vasina kudoma mudzimai wenyika, Amai Grace Mugabe nezita, VaBiti vati hazvina kunaka kuti vanhu vemuZimbabwe vaendese mhirizhonga kunze kwenyika.

Amai Mugabe vakarova mumwe mukadzi wechidiki uyo anonzi aishamwaridzana nevana vavo kuSouth Africa munyaya yakonzewera mutauro pasi rese.

Mutungamiriri webato reRenewal Democracts of Zimbabwe, VaElton Mangoma, avo vakamboshanda navaBiti mubato reMDC T, vaudza Studio 7 kuti mubatanidzwa weMDC Alliance hauna zvaunobatsira sezvo wakanangana nekupa zvigaro kuvatungamiriri vemapato anopikisa.

VaMangoma vati mubatanidzwa uyu uchaunza mumwe mutungamiriri ane humbimbindoga semutungamiriri wenyika, VaRobert Mugabe.

Mutungamiriri werimwe bato rinopikisa reFreezim Congress VaJoseph Busha vaudzawo Studio 7 kuti vanofunga kuti vazhinji vanoti vanoda kushanda naVaTsvangirai havana kuvimbika sezvo vakambobuda mubato reMDC T.

Nyanzvi munyanya dzematongerwo enyika dzinoti mapato anopikisa akapinda musarudzo asina kubatana anokundwa nebato riri kutonga reZanu PF.

Pari zvino pane mapato manomwe ari muMDC Alliance uye mapato akawanda anopikisa anotarisirwa kupinda mumubatanidzwa uyu.

Nyaya ina Irwin Chifera
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:56 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG