Accessibility links

Pastor Mugadza Votambira Kugara Kwavo Mutirongo seKuronga kwaMwari

  • Jonga Kandemiiri

Pastor Philip Mugadza

Mutungamiri wekereke yeRemnant Church, Pastor Philip Mugadza, avo vakasungwa mushure mekunge varotswa kuti mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vachafa musi wa 17 Gumiguru gore rino, vakazoburitswa muhusungwa neMuvhuro mushure mekugaramo kwemazuva makumi mashanu nemashanu.

Pastor Mugadza vakasungwa musi wa 16 Ndira panze pedare ramejasitiriti muHarare apo vakanga vari vachitongwa mune imwe mhosva yavari kupomerwa, yekuzvidza mureza wenyika.

Pastor Mugadza vanoti havana godo nezvose zvakaitika kwavari zvakaita kuti varambe vari muhusungwa, vachiti vanoziva kuti Mwari vanenge vaine zvikonzero zvekuti zviite saizvozvo.

Magweta avo, VaObey Shava naVaGift Mtisi, vakaedza kwazvo kuti vabude muhusungwa, asi vatongi vematare vaipa zvikonzero zvakasiyanasiyana zvaiita kuti Pastor Mugadza varambe vari muhusungwa.

Asi vakazokwanisa kuwaniswa mukana wekutongwa vachibva kumba kudare repamusoro nemusi weChishanu mushure mekubhadhariswa madhora makumi mashanu.

Kunyange hazvo vakanga vabhadhariswa mari yechibatiso, Pastor Mugadza havana kukwanisa kubuda musi uyu sezvo munyori wematare akaramba kutambira gwaro rekubuda kwavo, achiti aida kutanga aona kuti raive riri rechokwadi here.

Izvi zvinonzi zvakazoita kuti Pastor Mugadza vapedze mamwe mazuva maviri ekupera kwesvondo vari muhusungwa.

Asi Pastor Mugadza vanoti havana godo nezvose zvakaitika kwavari zvakaita kuti varambe vari muhusungwa, vachiti vanoziva kuti Mwari vanenge vaine zvikonzero zvekuti zviite saizvozvo.

Pahope dzavanoti vakarotswa dzekushaya kwaVaMugabe, Pastor Mugadza vanoti hapana chati chashanduka kubva pane zvavakarotswa gore rapera.

"Pamusoro peshoko randakataura, hapana chashanduka. richaramba rakamira rakadaro kana pasina zvinenge zvaitwa nemuridzi weshoko iroro," Pastor Mugadza vanodaro.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG