Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Vanovhura Paramende yeChisere, Ukuwo Nhengo dzeMDC-T muParamende Dzichityisidzirwa neRufu


Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe
Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe

VaMugabe vati chikamu chechina cheparamende yechinomwe chiri kutanga apo mitemo mizhinji munyika iri kuvandudzwa kuti ienderane nebumbiro remutemo uye vati pane mabhiri akawanda chose achaunzwa kuparamende kuti azozeyiwa asati aitwa mutemo.

Mabhiri aya anosanganisinira rekuvandudzwa kwemashandiro emakanzuru ekumaruwa, bhiri remadzishe, bhiri rekuvandudzwa kwemashandiro ematare edzimhosva kuti akwanise kutonga nyaya dzezvemabhizimisi pamwe nebhiri rekurerutsa kuvhurwa kwemakambani munyika.

Mamwe mabhiri achazeyiwa anosanganisira mabhiri ekurerutsa kufambiswa kwemabhisimisi munyika pamwe nerekuti vanhu vakwanise kushandisa midziyo yakaita semotokari, materevhizheni nemombe kuti vatore zvikwereti kumabhanga.

VaMugabe vatiwo mutemo wePublic Health Act uyo wakadzikwa muna 1924 uchavandudzwa muchikamu ichi cheparamende uye vatiwo mutemo wezvezvicherwa uchavundzwawo kuti nyika ikwanise kuwana pundutso kubva kuzvicherwa zvayo.

Vaenderera mberi vachiti mutemo wekudzivirira chitsotsi nechigandanga pachishandiswa michina yechizvino zvinowe kana kuti Computer Crime and Cyber Security Bill neElectronic Transactions and Electronic Commerce, neData Protection Bill ichazeiiwa muparamende yavaparura nhasi iyi.

Nhengo dzebato rinopikisa reMDC-T, dzaudza Studio 7 kuti kunyange hazvo VaMugabe vataura mitemo yavanoda kuti idzikwe muchikamu cheparamende ichi, makurukota avo haasi kuita basa nemazvo uye havaoni mitemo iyi ichi budirira.

Muzvare Thokozani Khupe
Muzvare Thokozani Khupe

Mumwe wevatevedzeri wemutungamiri webato reMDC T, zvakare vari nhengo yeparamende, Muzvare Thokozani Khupe vaudza Studio 7 kuti hurumende inofanira kudzika mitemo inoita kuti vanhu varerukirwe nehupenyu.

Mutevedzeri wevanokokera nhengo dzeMDC – T vachimirira Bulawayo Central muNational Assembly Amai Dorcus Sibanda vatiwo nguva nenguva VaMugabe vanotaura asi hapana chinobuda.

Mumiriri weSunningdale muNational Assembly Amai Margret Matienga vati huwori hwanyanya munyika uye vashamisika kuti VaMugabe havana zvavataura pamusoro penyaya iyi.

Vanomirira Buhera North muNational Assembly, VaWilliam Mutomba veZanu PF vati hurongwa hwaVaMugabe hwakanaka chose asi hahugoni kubudirira kana makurukota akasaunza mabhiri kuparamende.

Ishe Enos Musarurwa vati vanotsigira chose hurongwa hwaVaMugabe zvikurusei mabhiri ekusimudzira hupfumi hwenyika pamwe nechirongwa chekuunza ma bhond notes munyika.

Paramende yaparurwa nhasi iyi ichatanga basa nemusi weChipiri svondo rinouya apo ichaita musangano wekuronga nezvebhajeti regore rinouya muHarare.

Zvichakadai nhengo dzeMDC T dzaudza mutauriri weNational Assembly VaJacob Mudenda kuti dzakatumirwa tsambambozha dzichi tyisidzirwa mushure merunyerekupe rwekuti dzaironga kusveveredza VaMugabe vachivhura paramende nhasi.

Mumwe wevatevedzeri vemutungamiri weMDC -T vachimirira Kuwadzana East muNational Assembly, VaNelson Chamisa vakurudzira kuti paramende iongorore nyaya iyi vachiti kave kechitatu izvi zvichiitika.

Mutevedzeri wemutungamiriri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vatiwo izvi hazvina kunaka uye nyaya iyi ionfanira kuongororwa. VaMudenda vakwidza nyaya iyi kukomiti yepamusoro yeparamende yeStandings and Orders kuti iite ongooro nekugadzirisa nyaya iyi.

Zvichakadaro, nhengo yeMDC-T inomirira Mutasa Central, VaTrevor Saruwaka varambidzwa kupinda mudare reparamende sezvo vanga vakapfeka bhatye rine mavara seari pamureza wenyika.

Izvi zvinotevera danho rehurumende rekurambidza kushandiswa, kana kutengeswa kwemureza wenyika, danho rinonzi nevamwe rakanangana nevanhu vari kuratidzira vachishandisa mureza.

Nyaya ina Irwin Chifera
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG