Accessibility links

Breaking News

Vanopikisa Vosvora Kufora kweNhengo dzeZanu PF Dzichitsigira Mai Mugabe


Vatsigiri veZanu PF vaine chinyorwa chinoti vanomira naAmai Grace Mugabe.
Vatsigiri veZanu PF vaine chinyorwa chinoti vanomira naAmai Grace Mugabe.

Mapato anopikisa pamwe nemasangano anoshanda akazvimirira ari kusvora zvikuru kufora kwakaita nhengo dzeZanu PF muHarare nemusi weChitatu dzichiti dzaitsigira mudzimai wemutungamiri wenyika Amai Grace Mugabe, panguva imwe cheteyo mamwe masangano nemapato achirambidzwa kodzero iyi.

Nhengo dzemapoka eZanu PF dzakaungana pamuzinda webato iri dzichiti dzinomira naAmai Mugabe, avo vari kupomerwa mhosva yekurova Gabriella Engels mushure mekunge vamuwana aine vanakoma vavo Robert Jr. naChatunga mune imwe hotera muSandton, Johannesburg muSouth Africa.

Vechidiki vesangano reNational Electoral Reform Agenda, NERA, musi mumwechete iwoyo vakarambidzwa nemapurisa kuendesa gwaro renyunyuto kumuzinda weSouth Africa uri muHarare.

Mutauriri webato reMDC-T mudunhu reHarare, VaFani Munengami vanoti vanofunga kuti musangano weZanu PF uyu hauna chawakaburitsa sezvo ivo Amai Mugabe vacho vasina kumbobvira vasvikapo.

VaMunengami vanoti ruzhinji rwevanhu rwakaenda kumusangano rwairatidza sekunge rwakanga rwangotinhwa rwusina kutanga rwarumwa nzeve kuti rwaiendepi.

"Hapana asingazivi kuti vanhu vakamanikidzwa kuenda kumusangano uyu. Mbare yose yakanga yakavharwa, kubva kuMagaba, kuSiyaso kusvika kumusika. Vanhu vakamanikidzwa kuenda kumusangano saka vakanga vasingazivi zvaiitika. Chinoshamisa ndechekuti kana resident minister Mandi Chimene chaivo vakanga vasingazivi kuti chii chavairatidzira," VaMunengami vanodaro.

Vanotiwo nhengo dzeZanu PF dzinongobvumirwa nemapurisa kupinda mumigwagwa pamadiro, asi ivo nevemasangano akazvimirira vachimanikidzwa kutanga vapiwa mvumo nemapurisa.

Asi mumwe wevechidiki vebato reZanu PF mudunhu reHarare, VaJim Kunaka, avo vakanga varipo pagungano iri, vanoti gungano ravo rakakwanisa kuzadzisa zvaraida.

"Chabuda nezuro ndechekuti taida kuratidza veruzhinji, kunyanya ivo vemapato anopikisa kuti mai havasi mai vangori voga, asi kuti ndimai vakabereka vane vana uye vanovatsigira. Ndosaka makaona vanhu vakandimuka nezuro nehuwandu hwavo," VaKunaka vanodaro.

Vanoti manyepo kuti bato ravo rakavharisa mabhizimusi uye kumanikidza vanhu kuenda kumusangano uyu, vachiti vane chibvumirano nevatsigiri vavo vakazvipira kuti vanosiya chero zvavanenge vachiita vachienda kumisangano yebato ravo.

Hurukuro naVaFani Munengami pamwe naVaJim Kunaka
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG