Accessibility links

Breaking News

Vanopikisa Vokurudzirwa Kuisa Simba paKubatana Pane Kungonangana naVaChamisa neBato Ravo reCCC


Mutungamiri weCitizens Coalition For Change VaNelson Chamisa
Mutungamiri weCitizens Coalition For Change VaNelson Chamisa

Vakuru vakati chakupa ronda chati nhunzi dzikudye. Izvi ndizvo zvinonzi nevamwe zvave kuitika kumutungamiri webato idzva rinopikisa reCitizens Coalition for Change (CCC) VaNelson Chamisa pamwe nebato ravo, zvekusweroshoropodzwa nemamwe mapato anopikisa sezvinonzi ndivo vari panyanga.

Vamwe vanoti izvi zvinobva mukudiwa kwavo nevanhu izvo zvoita kuti mapato aya asiye kutarisa bato riri kutonga reZanu PF, opedzera hoko padehwe retsindi.

Irowo bato reZanu PF rinotiwo chose charinoti chakanganisika munyika ronongedza VaChamisa nebato ravo, kubva vachiri mutungamiri weMDC Alliance.

Vamwewo ndivo vanoti mapato anopikisa anosweroshoropodza VaChamisa nebato ravo sezvinonzi ndivo vari muhurumende anogona kunge akatengwa neZanu PF kuti akanganise mapato ainoona seane mukana wekuibvisa pachigaro.

Vamwe mubato reMDC-T inotungamirirwa naVaMwonzora vakatozivisa kuti vachadzinga nhengo dzebato raVaChamisa dzinenge dzakunda musarudzo dzema by-election ari kuitwa muna Kurume vachiti hadzina kunge dzabuda muMDC.

Asi vamwe vanoongorora zvematongerwo enyika vanoti kudhonzerana pasi kuri mumapato anopikisa uku kuchaita kuti Zanu PF irambe iri panyanga kusvika madhongi amera nyanga.

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika vachitungamira bato rinopikisa reDemocratic Party, Doctor Urayayi Zembe, vanoti zviri kuitwa nemamwe mapato izvi zvekungonongedza VaChamisa nebato ravo zvinodzosera shure hutongo hwejekerere.

Asi nhengo yeZanu vachiongorora zvematongerwo enyika, Doctor Simba Mavaza vanoti hapana asingazive kuti matambudziko ose emunyika anokonzerwa nezvirango akabva kuna VaChamisa nebato kubva vachatungamira MDC Alliance.

Hurukuro naDoctor Simba Mavaza pamwe naDoctor Urayayi Zembe
please wait

No media source currently available

0:00 0:06:10 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG