Accessibility links

Breaking News

Vashandi veNRZ neMhuri Dzavo Vorara paMahofisi eKambani Yavo muHarare Vachiratidzira


Kambani yeNRZ inonzi yave nemwedzi yakawanda ichitadza kubhadhara vashandi vayo
Kambani yeNRZ inonzi yave nemwedzi yakawanda ichitadza kubhadhara vashandi vayo

Vashandi vekambani yeNational Railways of Zimbabwe muHarare vari pakuramwa mabasa vanonzi vaungana nemhuri dzavo kumahofisi ekambani iyi ekuLochnivar, kuRugare vachiti havachina kwekugara, vamwe vachiti vakaburitswa mudzimba dzavairoja.

Mutungamiri werimwe sangano rinomirira vashandi veNRZ reZimbabwe Amalgamated Railways Workers’ Union, ZARWU, VaKamurai Moyo vanoti madzimai evashandi ava nevana vavo vakabatana nevarume vavo kubva neChishanu chapfuura vachirara pamwe nekuswera panze pemahofisi ekambani iyi.

Vanonzi vari kuda kuti NRZ ibhadhare mari dzavo dzemihoro dzemwedzi gumi nemishanu dzavasati varipwa, uyewo dzekubatsirika nekufamba dzavasati varipwa kwemwedzi mishanu.

“Vashandi havana zvimwe zvavaikwanisa kuita kunze kwekuenda kunogara pakambani iyi sezvo pari ipo chete pavasingabhadhare rendhi,” vanodaro VaMoyo.

Vanoti chimwe chakanyanya kutsamwisa vashandi idanho ravanoti rakatorwa nekambani yavo rekuenda kudare rinoona nezvemabasa ichida kuti vashandi vatsanangure zvikonzero zvavari kuramwira mabasa.

“Panzvimbo yekuti vashandi vakwire ivo kumatare, kambani ndiyo yave kumhan’ara, zvakafanana nekuti munhu anenge akurova ndiye futi anomhanya kuno kukwirira kumatare,” VaMoyo vanodaro.

Mutauriri weNRZ VaFanuel Masikati vatenda kuti vashandi vari pakuramwa mabasa uye vari kurara pamahofisi ekambani yavo muHarare.

VaMasikati vaudza Studio 7 kuti kambani yavo ine chido kwazvo chekuti ibhadhare vashandi vayo asi mamiriro akaita zvinhu munyika munyaya dzeupfumi ndiwo ari kuvatadzisa kuzadzisa chido ichi.

Vati bhizimusi rekutakura vanhu pamwe nezvinhu iro rinosiraramisa NRZ mazuva ano rakadzikira zvikuru, vakati nhaurirano pakati pevashandi nevashandirwi dziri kuenderera mberi.

Vashandi veNRZ muHarare, Mutare, Gweru neBulawayo vari kuramwa mabasa kubva svondo rapera vachida kubhadharwa mari dzavo idzi.

Hurukuro naVaKamurai Moyo
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG