Accessibility links

Bato reNPP Rotizwa neVanhu muMatabeleland South

  • Jonga Kandemiiri

Vafanobata chigaro chemutungamiri webato reNPP, Amai Joice Mujuru

Bato reNational People’s Party, NPP, iro riri kutungamirwa nevakafanobata chigaro, Amai Joice Mujuru, ratarisana nematambudziko mumatunhu eBulawayo neMatabeleland South zvichitevera kubuda mubato iri kwevari muhutungamiri pamwe nevatsigiri mubato iri vane chitsama.

Vanhu ava vakapa zvikonzero zvakasiyana siyana zvinosanganisira nyaya dzemarudzi pamwe nezvipoka-zvipoka mubato iri.

Mumwe wevakasvitsa tsamba yavo yekubuda mubato iri ndaVaBekelezela Maduma Fuzwayo, avo vaive vakafanobata chigaro chasachigaro mudunhu reMatabeleland South.

Kunyange hazvo VaFuzwayo vakapa chikonzero chekuti vanoda nguva yakakwana yekuti vapedze zvidzidzo zvavo zvepamusorosoro, vanoti maonero avo ndeekuti vakanga vagara vasisadiwa mubato iri.

VaFuzwayo vanoti nyaya yemarudzi inyaya yakatodzika midzi mubato reNPP.

Asi mutauriri webato reNPP, VaMethuseli Moyo, varamba mashoko ekuti mubato ravo mune nyaya dzemarudzi, uye zvipoka zvipoka.

VaMoyo vaudza Studio7 kuti vari kushamisika zvikuru nemashoko aVaFuzwayo aya, sezvo mugwaro ravo rekuti vave kubuda mubato reNPP, vasina kumbobvira vasimudza nyaya idzi.

Vatiwo bato ravo richatosimba zvakanyanya nekubuda kwaita vanhu ava sezvo vanga vari vanhu vasingashandike navo, vachitiwo vanhu ava vanga vachiita zverusarura rwemarudzi.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG