Accessibility links

MDC-T Inobvisa Makanzura Ayo Maviri muNorton Town Council

  • Jonga Kandemiiri

VaDouglas Mwonzora

Bato reMDC inotungamirirwa naVaMorgan Tsvangirai rakadzora neChina nhengo dzaro mbiri dzanga dziri makanzura eguta reNorton.

Vakabviswa pahukanzura ndiVaEager Vupenyu Takawira veWard 11, naVaSolomon Nerutanga veWard 1.

Vaviri ava vaipomera mhosva yekushanda nenhengo dzeZanu PF mukuedza kubvisa meya weguta iri, anove nhengo yeMDC T, kubva pachigaro.

Munyori mukuru weMDC-T, VaDouglas Mwonzora, vanoti makanzura maviri aya akatyora mutemo webato kuburikidza nekushanda neveZanu PF mukushungurudza meya ava, vanove munhukadzi.

Asi VaTakawira varamba mashoko avari kupomerwa aya, vachiti havana kumbobvira vamiswa pamberi pedare nebato ravo, kana kupiwa mukana wekuti divi ravo rinzwikwe.

VaTakawira vaudza Studio 7 kuti vanoona sekunge danho rakatorwa nebato ravo iri rine chekuita nezvematongerwo enyika, vachiti pane vari mubato vari kuda kuti vange vasiri mudariro musarudzo dza2018.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG