Accessibility links

Breaking News

Zec Inobvuma Zviri Kudiwa neNera Panyaya yeBiometric Voter Registration?


NERA
NERA

Sachigaro weZimbabwe Electoral Commission, Zec, Amai Rita Makarau, vanonzi vabvuma kuti pamakambani matatu akasarudzwa nesangano reUnited Nations Development Programme, UNDP, ndipo pachasarudzwa kambani ichawanisa boka reZec michina yekunyoresa vavhoti yeBiometric Voter Registration.

Izvi zvinenge zvave kureva kuti Zec haichadzokeri kumakambani gumi nematatu ayakanga yambosarudza kuti akwikwidzane mukuiwanisa michina iyi.

Izvi zvinonzi zvabuda mumapepa asvitswa kudare repamusoro reHigh Court nemagweta ari kumirira, Amai Makarau panyaya yakakwidzwa kudare iri nesangano remubatanidzwa wemapato anopikisa weNera, richipikisa danho rekuti Zec iise hurongwa hwekutengwa kwemichina iyi mumaoko ehurumende.

Hurumende inonzi ine hurongwa hwekuti State Procurement Board, iyo yakakwirirwawo zvakare dare pamwechete neZec, ive iyo inotenga michina iyi.

Mutauriri weNera, VaDouglas Mwonzora, vanoti vari kufara zvikuru nedanho iri sezvo vanhu vakasarudzwa neUNDP vari ivo vave kuzowanisa nyika michina iyi, kwete vanhu vaizosarudzwa nehurumende.

VaMwonzora vanoti nyaya iyi inotarisirwa kupera kunzwikwa mudare nemusi weChitatu, uye ndipo pachanzwikwawo kuti ndiyani anofanirwa kubhadhara mari dzematare.

Vanotiwo musangano weNera wavakanga vakaronga kuita muharare nemusi weChitatu uri kuzoenderera mberi, kunyange hazvo mapurisa akavarambidza kuti vaitire musangano wavo pavaida paAfrica Unity Square.

VaMwonzora vanoti musangano wavo wave kuzoitirwa panzvimbo iri kunze kweguta yave kunzi “Freedom Square”, uye wakanangana nekuzivisa veruzhinji pamire Zec panyaya yemichina ye Biometric Voter Registration iyi pamwe nedzimwe nyaya dzine chekuita nesarudzo.

Hurukuro naVaDouglas Mwonzora
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG