Accessibility links

Breaking News

Nera Inoti Yakagutswa neHurongwa hweBVR, Asi Ine Zvimwe Zvinyunyuto


Mubatanidzwa wemapato anopikisa weNERA
Mubatanidzwa wemapato anopikisa weNERA

Mubatanidzwa wemapato anopikisa weNational Electoral Reform Agenda, Nera, unoti wakagutsikana nehurongwa hweZimbabwe Electoral Commission, Zec, hwekuyedzwa kwemichina yekunyoresa vanhu kuvhota ye biometric voter registration, BVR, hwakaitwa svondo rapera.

Mutauriri weNera, VaDouglas Mwonzora, vanove zvakare munyori mukuru webato reMDC T, vanoti kunyange hazvo vakagutsikana nezvavakaona kusvika pari zvino, vane zvinyunyuto gumi nezviviri zvinosanganisira zvekuti pachachengeterwa zvinenge zvabva mukunyoreswa kwevanhu kana kuti servers, zvichabvepi.

VaMwonzora vanotiwo vachada kuziva kuti michina iyi ichange ichichengeterwa kupi, uye vanodawo kuti vamiriri vemapato vange varipowo pose panenge pachinyoreswa vavhoti.

Makambani maviri akabudirira anoti Laxton Group yekuChina neDermalog Identification Systems yekuGermany ndiwo akarakidza mashandiro emichina yawo, saka zvasarira Zec ichishanda neState Procurement Board kuti vasarudze kambani inenge yakabudirira.

Hurukuro naVaDouglas Mwonzora
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG