Mutungamiri webato guru rinopikisa munyika, reMovement for Democratic Change, MDC, VaNelson Chamisa, vari kukurudzira vana veZimbabwe vari munyika nekunze kwenyika, uye vemakereke akasiyanasiyana, kuti vanamatire nyika, kunamatiranawo pachavo, uye kutsanya kwemazuva manomwe vasati vafunga kutora matanho avangati akakosha mukugadzirisa matambudziko ari munyika.
VaChamisa vanoti vari kukurudzira kuti kubva nemusi weMuvhuro 29 Chikunguru kusvika musi weSvondo 4 Nyamavhuvhu, pakati penguva dza 1 na 2 masikati vanhu vasimudze maoko avo vachinamata, vachipira mwoyo yavo kuna Mwari vachimukumbira kuti avape simba, huchenjeri, uye kuvachengetedza kuti vakwanise kubuda mumatambudziko avakatarisana nawo.
VaChamisa vanoti vasvika pakukurudzira danho iri nekuona kutambura kuri kuita vana veZimbabwe nekuda kwekushaikwa munyika kwemafuta edzimotokari, magetsi, mapasipoti, kushaikwa kwemabasa pamwe nezvekudya.
Vanotiwo vashandi vehurumende, varairidzi, mapurisa nemauto vari kupiwa mihoro isingavakwanire, vachitiwo vari pamudyandigere nevakarwa hondo havachatokwanise kurarama kwacho.
VaChamisa vanoti huwori hwadzikawo midzi munyika zvekusvika pakuita serwiyo rwenyika kana kuti national anthem.
Mashoko aVaChamisa anouya panguva iyo bato ravo riri kurongawo kutanga neMugovera kuita misangano munyika yose richinzwa zvinofunga vanhu nemamiriro akaita zvinhu munyika mune zvematongerwo enyika pamwe nezveupfumi.
VaChamisa vanoti kana bato ravo ranzwa zvichabva muvanhu, ndipo chete parinozokwanisa kuziva matanho ekutora kuenda mberi.
Vanoti bato ravo richatorawo mukana wemisangano iyi kuparurawo chirongwa chavo cheRELOAD.
Facebook Forum