Accessibility links

Breaking News

Kukandirana Makobvu neMatete kwaVaMliswa naVaNduna Kunomisa Musangano weKomiti yeZvicherwa


Mumiriri weNorton muparamende VaTemba Mliswa, vatukana muparamende nemumiriri weChegutu West vari veZanu PF, VaDexter Nduna pamusoro penyaya dzehuwori.
Mumiriri weNorton muparamende VaTemba Mliswa, vatukana muparamende nemumiriri weChegutu West vari veZanu PF, VaDexter Nduna pamusoro penyaya dzehuwori.
Nyaya ina Godwin Mangudya
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:54 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vakafanobata chigaro chegurukota rezvemigodhi, VaJorum Gumbo, pamwe nevakuru-vakuru vekambani yeZimbabwe Mining Development Corporation, vatadza kutsanangura hurongwa hwekucherwa kwegoridhe nekoromu nemakambani ekunze kwenyika mushure mekunge nhengo dzeZanu PF mukomiti yezvemigodhi dzakatanga kupopotedzana nenhengo yeNorton yakazvimirira VaTemba Mliswa pamusoro penyaya dzehuwori.

VaMliswa, avo vanove sachigaro wekomiti iyi, vakambosuduruka kutungamira komiti iyi mushure mekunge paramende yati yave kuongorora nyaya dzehuwori dzavanonzi vakaita ivo nedzimwe nhengo nhatu dzekomiti iyi.

VaMliswa vapinda mukomiti iyi senhengowo zvayo uye dzimwe nhengo dzekomiti iyi dzakaita saVaRoy Bhila dzati sezvo VaMliswa nevatatu ava, vanoti, VaLeonard Chikomba veZanu PF, VaAnele Ndebele naVaPrince Sibanda veMDC, avo vari kuongororwa nenyaya dzehuwori, vanofanirawo kumbomira kupinda mukomiti iyi.

VaChikomba veZanu PF vabvuma kubuda mumusangano uyu vachitenda kuti vainge vakafonerwa namuzvinabhizimisi, VaShepherd Tundiya, kuti vazotora mari yechiokomuhomwe.

Asi VaMliswa varamba kubuda mumusangano uyu izvo zvabva vaita kuti vatange kupopotedzana nedzimwe nhengo dzekomiti iyi dzakaita saVaDexter Nduna veZanu PF.

VaMliswa, avo vari kupomerwa mhosva yekutsvaga mari yechiokomuhomwe inoita mazana mana ezviuru zvemadhora kubva kuna muzvinabhizimisi VaJR Goddard, varamba kubuda mukomiti vakatangawo kuudza VaNduna, VaBhila nevamwe vavo kuti vanoitawo huwori hunotyisa uye kuti vari kuba mari dzemakomiti.

Paita kukandirana makobvu nematete pakati paVaMliswa naVaNduna, VaNduna vazoudza VaMliswa kuti vaizovagadzirisa panze peparamende, vachitiwo havachatombozivi kuti vakauraya vanhu vangani. Asi VaMliswa varamba kunyarara kunyange hazvo VaNduna vazobuda panze.

Zvese izvi zvaitika mumaziso aVaGumbo nechikwata chavo uye mukati memaminitsi akati kuti, VaGumbo nevatori venhau vazoburitswa mudare kuti nhengoi dzekomiti dzisare dzichigadzirisana.

Aka hakasi kekutanga nhengo dzekomiti iyi dzichipopotedzana pamberi pevanyarikani.

Gore rapfuura nhengo dzekomiti iyi kubva kuZanu PF dzakapopotedzana naVaMliswa dzikarambidza muzvinabhizimisi, VaNick Van Hoogstraten, avo vane chikamu mukambani yeHwange Colliery, kupa humbowo pamusoro pehuwori huri kuitika kukambani iyi.

Kune rimwewo divi, hakasi kekutangawo zvakare kuti VaNduna vatyisidzire dzimwe nhengo dzeparamende.

Gore rapera VaNduna vakatyisidzira nhengo dzeMDC vachiti vanogona kudzipfura nepfuti mushure mekunge vasveveredzwa zvichitevera kuzvizivisa kwavakanga vaita mudare vachiti ndivo mumiriri weChegutu West, kunyange hazvo paive nemakakatanwa pakusarudzwa kwavo ayo aive kumatare edzimhosva.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG