Accessibility links

Breaking News

Chirongwa cheKutoresa Vanhu Zvitupa, Magwaro eKuzvarwa, Chinoparurwa muNyika Yose


Chitupa cherata chinonzi chave kutsiviwa nechepurasitiki.
Chitupa cherata chinonzi chave kutsiviwa nechepurasitiki.

Hofisi yamabharani mukuru wenyika yaRegistrar General nemusi weMuvhuro vakaparura chirongwa chekutoresa vanhu zvitupa zvitsva, magwaro ekuzvarwa pamwe neerufu.

Vanhu vari kupiwawo mukana wekuti vashandure kubva kuzvitupa zverata, izvo zvinonzi hazvichadiwa, vachipiwa kune zvitsva zvepurasitiki zvinonzi zvinofambidzana nemichina mitsva ichashandiswa mukunyoresa vanhu kuvhota.

Chirongwa ichi chichaitwa munyika yose kwemwedzi mitatu, apo vehofisi iyi vachange vachitenderera vachitoresa vanhu magwaro aya.

Asi patove nekuchema-chema kwevanhu kare zvichitevera nyunyuto dzasimudzwa nevamwe dzekuti mari dziri kubhadhariswa muhurongwa uhwu hadzikwaniswe nevakawanda.

Zvinonzi vane zvitupa zvinoratidza kuti havasi zvizvarwa zveZimbabwe vanenge vachida kuchinja kuti vapiwe zvinoratidza kuti zvizvarwa zveZimbabwe vari kubhadhariswa madhora makumi mashanu.

Kana munhu akarasa chitupa achida kupiwa chimwe anonzi anofanirwa kubhadhara madhora gumi nemashanu, uye kuti uwane gwaro rekuzvarwa unonzi unofanirwa kunge uchiburitsa madhora mashanu.

Izvi zvaita kuti vamwe vagari vemumusha weEpworth vanyore gwaro kumagweta eZimbabwe Lawyers for Human Rights, vachida kuti vabatsirwe kuti matambudziko avari kusangana nawo aya anzwikwe mudare repamusoro nechimbichimbi.

Mutauriri weZLHR, VaKumbirai Mafunda vatenda kuti vatambira zvinyunyuto zvevagari vekuEpworth ava, asi vati magweta avo achiri kumbozviongorora.

Sangano reZimbabwe Election Support Network, ZESN, rinoti ratambirawo zvinyunyuto zvakadaro kubva kumatunhu akasiyanasiyana.

Sachigaro weZESN, VaAndrew Makoni, vanove gweta, vanoti hofisi yamabharani mukuru iyi iri kushandisa gwaro rinotara mari dzinofanirwa kubhadharwa nevanhu vanenge vachida zvitupa kana magwaro ekuberekwa.

"Registrar general vari kushandisa gwaro rinonzi gwaro rinonzi national registration amendment regulation number 17 of 2009 inova iyo yakatara muripo wezvirongwa zvakasiyanasiyana, kungave kuri kutora zvitupa, kana ku replacer chitupa chesimbi nechitupa che plastic, kanawo zvakare kutora birth certificate," VaMakoni vanodaro.

Vanoti nekuda kwekuti vanhu vazhinji havasi kuwana mari kungave kumaruwa kana mumahorobha nekuda kwekumira kwakaita nyaya dzezvehupfumi, kurudziro yavo ndeye kuti dai vanhu vapiwa zvitupa pachena kuitira kuti vagozokwanisa kuvhota musarudzo dzegore rinouya.

Studio 7 haina kukwanisa kunzwa divi rekwa registrar general panyaya iyi.

Hurukuro naVaAndrew Makoni
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG