Accessibility links

Breaking News

VaChamisa Vanoramba Zvakare Kupinda Musangano weNhaurirano naVaMnangagwa


Mutungamiri weMDC, VaNelson Chamisa havana zvakare kupinda musangano wenhaurirano washevedzerwa naVaMnangagwa.
Mutungamiri weMDC, VaNelson Chamisa havana zvakare kupinda musangano wenhaurirano washevedzerwa naVaMnangagwa.

Vatungamiri vemapato akapinda musarudzo yemutungamiri wenyika vasangana zvakare muHarare pamusangano wechipiri washevedzerwa nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, wenhaurirano dzekugadzirisa matambudziko ari munyika.

Musangano uyu waitirwa kumuzinda weState House, uye wapindwa nevatungamiri vemapato vangangosvika pakati pegumi nevashanu negumi nevanomwe.

Sezvakaitika pamusangano wekutanga, mutungamiri weMDC, VaNelson Chamisa, vanonzi havana zvakare kuenda kumusangano uyu.

Vamwe vasina kupinda mumusangano uyu vanosanganisira mutungamiri webato reBuild Zimbabwe, Doctor Noah Manyika, avo vatumira gwaro rezvavanofunga kuti zvinofanirwa kuteverwa kuti nhaurirano idzi dzibudirire, zvinosanganisira kuvepo kwebato reMDC.

VaMnangagwa mbune havanawo kupinda mumusangano uyu, asi vanonzi vanga vakamirirwa nemunyori anoona nezvemutemo muvbato ravo, VaMunyaradzi Paul Mangwana pamwe naVaPatrick Chinamasa.

Mutevedzeri wemutungamiri weMDC inotungamirirwa naMuzvare Thokozani Khupe, VaObert Gutu, vanoti musangano wanhasi uyu wabuda nemakomiti mana achange achiona zvakasiyanasiyana pamusoro penhaurirano.

Hurukuro naVaObert Gutu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:43 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Komiti yekutanga inonzi ichange ichiona nezvemafambisirwo enhaurirano, yepiri ichona nezvezvichakurukurwa munhaurirano, yetatu ichoona nezvekudomwa kweachatungamira nhaurirano idzi kana kuti muyananisi, pamwe nenzvimbo inofanirwa kuitirwa nhaurirano idzi, kuchiti yechina ndiyo ichange ichiona kuti nhaurirano dziri kufamba sezvinenge zvakatarwa here.

Musangano wekutanga makomiti aya unonzi uriko musi wa 1 Kurume, 2019.

Mutungamiri webato reRebuilding Zimbabwe Party, Reverend Everisto Chikanga, avo vapindawo musangano uyu, vanoti vanotenda VaMnangagwa nekushevedzera musangano wakakosha kudai uyu, vachiti nyika inoda kugadziriswa nekukasika.

Reverend Chikanga vanoti vanowirirana zvikuru nekurudziro yekuti misangano yakadai isaitirwa pamuzinda waVaMnangagwa, asi vanoti havaoni kusavepo kwebato reMDC yaVaChamisa panhaurirano idzi kuine zvakunokanganisa.

Hururkuro naReverend Everisto Chikanga
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG