Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Voshevedzera Mumwe Musangano neMapato Anopikisa


Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa.
Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa.

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanonzi vashevedza zvakare mapato akakwikwidza musarudzo yemutungamiri wenyika kunhaurirano dzechipiri dzekuedza kutsvaga nzira dzekugadzirisa nadzo matambudziko ari munyika.

Musangano uyu unonzi uri kuitirwa kumuzinda wemutungamiri wenyika, weState House neChishanu.

Mutevedzeri wemutungamiri werimwe remapato akapinda musarudzo, reMDC inotungamirirwa naMuzvare Thokozani Khupe, VaObert Gutu, vaudza Studio7 kuti vakatambira tsamba yekuvakoka kumusangano uyu, uye humiriri hwebato ravo huchange huri kumusangano uyu.

Asi munyori mukuru weMDC inotungamirirwa naVaNelson Chamisa, VaDouglas Mwonzora, vanoti bato ravo harina kuona tsamba yekuvakoka kumusangano uyu, vachiti ivo kunyange dai vanga vakakokwa kumusangano uyu, sebato vanga vasiri kuenda.

VaMwonzora vanoti bato ravo harisi kuzopinda mumisangano ichange ichikokerwa naVaMnangagwa, kanawo kuti ichiitirwa kumuzinda weState House.

Bato reMDC harina zvakare kupinda mumusangano wekutanga wakaitwa naVaMnangagwa nevatungamiri vemamwe mapato kutanga kwemwedzi uno.

VaMwonzora vanoti panofanirwa kuitwa nhaurirano dzinokokerwa nemunhu asina kwaakarerekera, uye dzichiitirwa kunzvimbo isiri muzinda weState House.

Asi nhengo yeCentral Committee yeZanu PF, VaJoseph Tshuma, vanoti havanzwisisi pamire bato reMDC, nekuti raikurudzira kuti munyika muitwe nhaurirano, asi iye zvino rave ndiro rave pamberi kutiza nhaurirano idzi.

VaTshuma vanoti chinofanirwa kuzivikanwa neMDC ndechekuti VaMnangagwa vakasarudzwa nevana veZimbabwe, zvakatsigirwa nedare repamusorosoro munyika.

Panyaya yekuti nhaurirano dziinofanirwa kuitirwa kunzvimbo isina muridzi, VaTshuma vanoti MDC iri kukanganwa kuti State House inzvimbo isina muridzi nekuti ndeyemunhu wese wemuZimbabwe, vachiti hapana imwe nzvimbi yakasununguka kuitira misangano kukunda iyoyi.

VeMakereke vari kuedzawo zvakare kuita misangano yekuyananisa vezvematongerwo enyika nechinangwa chekuunza kugadzikana munyika.

Hurukuro naVaDouglas Mwonzora pamwe naVaJoseph Tshuma
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG